Accessibility links

Breaking News

VaMasiyiwa naVaNyambirai Vokaka Hukama Hwavo hweMabhizinesi?


VaStrive Masiyiwa (L)
VaStrive Masiyiwa (L)
Kambani yembozhanhare yeEconet Wireless, ndiyo yave muridzi webanga reTN Bank mushure mekunge yatora zvikamu zvebhanga iri kubva kuna muzvinabhizimisi, VaTawanda Nyambirai.

Econet yanga iine zvikamu makumi mashanu nezvishanu kubva muzana zvehupfumi muTN Bank.

VaNyambirai vanoti vakabvumirana neEconet kuti itore zvikamu zvavo mubhanga iri uye ivo vachipihwa zvikamu zvehupfumi mukambani ye Econet umo vange vari sachagaro webhodhi rekambani iyi kwemakore gumi apfuura.

VaNyambirai vaudza vatori venhau kuti vakaita chimbvumirano ichi nemuridzi weEconet, VaStrive Taputaira Masiyiwa, pamusangano wavakaita muLondon kuBritain neChipiri.

VaNyambirai vanoti nekuda kwechibvumirano ichi, zvinoreva kuti vave kusiya chigaro chavo chekuve sachigaro mubhodhi reEconet Wireless Zimbabwe.

Asi VaNyambirai varamba kutaura kuti chikamu chavo muTN Bank change chakakura sei uye kuti vachapihwa chikamu chakadii muEconet Wireless vachiti izvi zvichaziviswa kana chibvumirano chavo chanyoreswa nebhanga guru reReserve Bank of Zimbabwe, Securities Commission pamwe neZimbabwe Stock Exchange sezvinodiwa nemutemo.

Mukuru wekambani yeEconet Wireless , VaCraig Fizgerald, vanoti zvichitevera kusiya chigaro kwaitwa naVaNyambirai, kambani yavo yadoma VaJames Myers kuti vabate chinzvimbo chasachigaro webhodhi reEconet Wireless.

VaMyers, avo vanova chizvarwa chekuAmerica, vakambove mutevedzeri wemutungamiri wekambani yezvekufambiswa kwemashoko muAmerica, yeSouth Western Bell, iyo yava kunzi AT&T.

Bhanga reTN rakatangwa naVaNyambirai makore mashoma apfuura uye nderimwe remabhanga emuZimbabwe akanzi negurukota rezvemari, VaTendai Biti, ari kuita zvakanaka chose mubhizinesi remari.

Kambani yeEconet Wireless yange ichitenga zvikamu zvebhanga iri zvishoma nezvishoma kudzamara chibvumirano chayaita naVaNyambirai chekuti ichitora zvikamu zvese mubhanga iri chaitwa.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti VaNyambirai, avo vanova zvakare gweta raVaMasiyiwa, dzinoti kubuda kwaita VaNyambira mubhodhi reEconet Wireless Zimbabwe, hakurevi kuti vatorerwa hupfumi hwavo muTN Bank neEconet Wireless, asi kuti vashandisa hupfumi hwavo muTN Bank kuti vatenge masheya muEconet Wireless kuitira kuti vave mumwe wevaridzi veEconet Wireless Global.

Mumashoko avo kuvatori venhau, vakavamba Econet Wireless, VaMasiyiwa vati VaNyambirai vaita basa rinoremekedzwa zvikuru. Vati vakatungamira chikwata chemagweta chakarwisa kuti kambani yavo ipihwe rezenisi, uye vakatungamira kukura kwebhizinesi ravo kubva pavakabuda muZimbabwe makore gumi nemaviri apfuura.

VaMasiyiwa vati vanotarisira kushanda naVaNyambirai vari pedyo pedyo navo muzvinzvimbo zvitsva zvavachavapa.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG