Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Havazivi Kuti Vane TB Ivo Vanayo


Dambudziko rechirwere che Tuberculosis (TB) rinonzi riri kuramba richinesta munyika sezvo chirwere ichi chiri kubata vanhu vakawanda asi paine vashoma vanoziva kuti vanacho.

Izvi zvinonzi zvinokwanisa kukonzera kuti chipararire chinyararire.

Sangano re International Union Against Turbeculosis And Lung Disease rinoti ongororo yaro inoratidza kuti vanhu vanosvika zvikamu makumi mashanu nezvisere kubva muzana vane TB, asi havazvizive kuti vane chirwere ichi.

Chirwere ichi chinonzi chiri kuuraya vanhu vazhinji kunyanya avo vane hutachiwona hwe HIV/AIDS kana chikasarapwa nenguva.

Vaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vanoti vanofungidzira kuti vane chirwere ichi vanofanirwa kuenda kunoongororwa nechimbi chimbi chirwere ichi chisati chakomba.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG