Accessibility links

Breaking News

Shoroma muZimbabwe Dzoviga Mari Dzadzo Mubhanga reHSBC kuSwitzerland


Banga reHSBC
Banga reHSBC

Rimwe bhanga rine mukurumbira pasi rose, reHSBC, rakaita mazimari akawandisa richishandisa nzira dzinotyora mitemo yenyika dzepasi rose, Studio7 inozviburitsa pachena.

Izvi zviri mumagwaro ari mumaoko meStudio7, ayo akapihwa sangano revatori venhau, re International Consortium of Investigative Journalists, ICIJ, kuburikidza nemagwaro arakapihwawo nebepanhau reLe Monde rekuFrance kuitira kuti pave nemushandira pamwe mukuona huori hunotyisa hwakaitwa nebanga iri munyika mazana maviri nenhatu.

Magwaro aya anoratidza zvakare kuti vanhu vemuZimbabwe pamwe nemakambani zvinosvika zana nemakumi mapfumbamwe nesere, zvakaisa mari mubhanga iri, kana kuti zvaive nemari inoita iyo $272 million mubhanga iri muna 2006/7 chete.

Nyanzvi munyaya dzemari dzinoti mari iyi inoratidza kuti yakaiswa mubhanga iri kuSwitzerland nenzira isina kutsarukana zvekuti nyika zvinji dzakawirwa nedambudziko rinenge reZimbabwe dzakarasikirwa nemitero inofanirwa kubhadharwa nezvizvarwa zvenyika idzi.

Panyika mazana maviri nenhatu dzinonzi dzakavhiringirwa mirawu yemitero neHSBC, pane mari inosvika mabhiriyoni zana nemazana matatu emamiriyoni emadhora.

Vemu Zimbabwe vane mazita ari mugwaro iri vanosanganisira vaimbova seneta weZanu PF, Va Aguy Clement Georgias, mukuru weTrinity Engineering; vaive mukuru wemauto emuchadenga, muchakabvu Air Marshal Josiah Tungamirayi; mutambi wekiriketi, Stuart David Robertson, munazvinabhizinesi, Va Frederick Mutanda, pamwe nevarimi vachena vakawanda vakaita semhuri yekwaDorward uye mhuri yekwaPatel.

Va Georgias, avo vaiva neakaundi yakavharwa kuHSBC, vakaiswa pazvirango zvekufamba neEuropean Union muna 2007 apo vakaitwa mutevedzeri wegurukota rezvekusimudzirwa kwehupfumi.

Zvirango izvi zvakazobviswa muna 2011, asi vakazoendesa European Union kumatare vachiti kudzingwa kwavakaitwa muna 2007 kubva kuBritain nepamusana pezvirango kwakavavhiringira zvinhu zvavaiita zvinokosha mamiriyoni matanhatu emu euro, asi dare reEU general court rakarasa nyaya iyi.

VaGeorgias havana kudavira nhare dzavo kuti titaure nezvemari dzavakamboisa muHSBC panguva iyo hupfumi hwenyika hwainge hwagwadama zvakanyanyisa, inflation ichiita chamurambamhuru.

VaMutanda havanawo kudavira nhare dzavo.

Magwaro ane Studio7 anoratidzawo kuti bhanga reHSBC raifurira vanhu kutyora mitemo kuitira kuti vasabhadhare mitero, izvo zvinonzi nenyanzvi munyaya dzemari, zvakapa kuti Zimbabwe nedzimwe nyika dzirasikirwe zvikuru nemari.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinonzi chakasangana nevashandi vebhanga iri kuCape Town pakarongwa nzira dzekuburitsa mari inoita mazana mashanu ezviuru zvemadhora kuitira kuti mari iyi ishandiswe mukutsigira mwanakomana wemuridzi weakaundi kuva neCredit Card rine chiremera.

Mwanakomana uyu aizonofambisa mabasa ekutenga nekutengeswa kwedzimba muCalifornia muAmerica. Mazita evanhu ava nevamwe vose vakadomwa mumagwaro eICIJ, achaburitswa neMuvuro paStudio7.

Vaimbova gurukota rezvemari, uye vari nyanzvi munyaya dzekufambiswa kwemari nemakambani, VaTendai Biti, vanoti zviri pachena kuti mari yeZimbabwe inosvika mazana matatu emamiriyoni kana yainge yakachengetwa mumabhanga aya, vakayiendesa vanhu havana kuzviita nenzira dzinotambira pasi rose mukufambiswa kwenyaya dzemari pakati penyika dzikasiyana siyana.

VaBiti vatiwo izvi zvakaitwa bhanga renyika risina ruzivo, nokudaro zvizvarwa zveZimbabwe zvakaburitsa mari iyi munyika, zvaityora mitemo yenyika.

Vaimbove gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, havana kuwanikwa kuti tinzwe divi ravo sezvo vaive mukuru webhanga iri panguva iyi.

Asi imwe nhengo yeZanu PF yakashanda mubazi rezvemari kwenguva yakareba, inoti zviri kuburitswa nemagwaro aya zvinoratidza kuti kuparara kwedhora remunyika hakuna kukonzerwa chete nekudhinda mari kunonzi kwaiitwa naVaGono, asi kuti vanhu vakaburitsa mari yakawanda zvakadai iyi, vakaitawo kuti nyika igwadame.

Mukuru uyu, uyo anoti anozviziva kuti pane mari inodarika mabhiriyoni mana emadhora iri mumabhanga ekuSwitzerland, anoti yasvika nguva yekuti paongororwe kuti ndivanani vane mari dzakaiswa munzvimbo dzakaita se Seychelles, Singapore, China, Dubai, South Africa, idzo dzisiri kubatsira nyika iri kutambura panguva ino.

VaBiti vanoti ichokwadi kuti mari yeZimbabwe yakazadzwa mumabhanga akawanda pasi rose nokudaro ngapaitwe ongororo yekuona kuti ndivanani ava vari kubatsira kuti nyika iparare zvakadai munyaya dzehupfumi.

Richipindura mibvunzo yekunenerwa kutyora mitemo, bhanga reHSBC rinobvuma kuti ravandudza muitiro waro basa, uye rakabvisa vanhu nemakambani anosvika zvikamu makumi manomwe kubva muzana vaionekwa kuti havasi kutevedzera mitemo yekufambiswa kwemari.

Banga iri, iro rine muzinda mukuru muLondon, pamwe nemahofisi munyika makumi manomwe pasi rose, rakaripiswa nekomiti yedare re Senate muAmerica muna 2012 mari inosvika mabhiriyoni maviri emadhora mushure mekunge rawanikwa richisiya vanotengesa zvinodhaka vachifambisa mari dzavo mumabhanga emuAmerica.

Magwaro ari mumaoko eStudio7 anoratidza zvakare kuti bhanga iri raitambira mari kubva kuvanhu vanozivikanwa kuti vanodyidzana nevarwisi vechikwata che al-Qaida nevamwe vanoita zvakapfurikidza mwero.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, havana kubatika kuti vatipe divi ravo panyaya iyi sezvo vanga vasingadaire nhare mbozha yavo.

Mangwana Studio7 iri kuburitsa mazita evanhu pamwe nemari dzavo dziri mubhanga reHSBC kuitira kuti veruzhinji vanzwisise kukura pamwe nekushata kwakaita nyaya iyi.

Ray Choto inhengo yesangano reInternational Consortium of Investigative Journalists, uye ari kushanda nedzimwe nhengo dzeICIJ mukuburitsa huori hwaiitwa pakati pebhanga reHSBC nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe.

"http://projects.icij.org/swiss-leaks/" id="icij-swiss-leaks" style="height: 740px; width: 100%; max-width: 920px; margin: 0 auto"></iframe>

XS
SM
MD
LG