Accessibility links

Breaking News

Chicken Inn Yopemberera Kutora Mukombe weCastle Premier Soccer League


Chicken Inn ndiyo ichamirira nyika mumakwikwi emukombe wepamusoro muAfrica
Chicken Inn ndiyo ichamirira nyika mumakwikwi emukombe wepamusoro muAfrica

Chikwata chenhabvu cheChicken Inn ndicho chichamirira Zimbabwe mumakundano eConfederation of African Football Champions League, ayo anotambirwa neshasha dzenhabvu muAfrica yose.

Kwaive nemhembereto mumusha meChicken Inn neMugovera mushure mekunge chikwata ichi chakatora mukombe we2015 Castle Lager Premier Soccer League kwasara mutambo mumwechete kuti makundano aya apere.

Chicken Inn yakadambura Harare City 3-1 ndokufamba kusvika pamapoinzi makumi mashanu nemasere izvo zvakavasiya vave nemapoinzi mana pamusoro, peFC Platinum iyo yakaita mangange 1-1 neCaps United mumutambo wakatambirwa kuMandava Stadium.

Dynamos iyo yakarova Dongo Sawmills 2-0 ine mapoinzi makumi mashanu nemana zvekare.

Izvi zviri kureva kuti FC Platinum neDynamos dzikakunda mumitambo yadzo yekugumisira hadzikwanise kubata Chicken Inn.

Ma'Game Corks' achatambidzwa mukombe wavo mukupera kwesvondo rino pamutambo wavo wekugumisira uyo vari kusangana neFlame Lilly munhandare yeLaFarge.

Chicken Inn yave chikwata chechipiri chemuBulawayo kutora mukombe uyu kubvira muna 2006 apo Highlanders yakatora mukombe mukuru wenhabvu uyu.

Mumwe mutsigiri wechikwata ichi vaTendekai Munhenzva vari kufara zvikuru nekutora kwavakaita mukombe uyu vachiti ivo zvanga zvanyanya kuti Dynamos yega ingotora mukombe uyu gore rega rega, uyezve kuti mukombe uyu wange usingabude muHarare.

VaMunhenzva vanoti vari kutarisira kutamba zvakanaka apo vachamirira nyika mumakwikwi eCaf Champions League gore rinouya vachiti chinangwa chavo kuita zviri nani pane zvanga zvichiitwa nezvimwe zvikwata zvemuno makore mashanu apfuura.

Mukutora mukombe uyu Chicken Inn ichatambidzwa mari inoita iyo zviuru zana zvemadhora.

Kubudirira kweChicken Inn kwauya zvekare panguva iyo chimwe chikwata chemuBulawayo cheHighlanders chiri kurova bhora zvinotyisa.

Highlanders iyo yanga isingatambe zvakanaka mukutanga kwegore yabaka moto zvekuti yave pachinhanho chechitanhatu mumakundano aya.

Muteveri wechikwata ichi VaTrust Mabhande vanoti vari kufara zvikuru nematambiro ari kuita Bosso mushure mekumbotatarika apo vairairidzwa naBongani Mafu.

Panguva imwecheteyo, chikwata cheFlame Lilly ndicho chaita chechitatu kubuda muCastle Lager Premier Soccer League mushure mekuita mangange 1-1 neWhawha.

Izvi zvavasiya vane mapoinzi makumi maviri nematanhatu zvekuti havachakwanisa kubata chikwata chiri pachinzvimbo chechishanu kubva pasi cheTsholotsho Pirates icho chine mapoinzi makumi matatu.

Chikwata cheBuffaoes kana cheTsholotsho Pirates chingangotevera Whawa, Flame Lilly neDongo Sawmills kuenda muDivision one kana chakakundwa mumutambo wacho wekugumisira wasara.

Mune imwewo nyaya yenhabvu, VaPhillip Chiyangwa avo vari kukwikwidza kutora basa remutungamiri weZimbabwe Football Association vakaparura hurongwa hwavo hwezvavari kuzotarisira kuita kana vakasarudzwa semutungamiri weZifa mukupera kwesvondo.

VaChiyangwa vakati havasi kuteerera zviri kutaurwa nevanhu vasingavhote vachiti ivo chinangwa chavo kufadza vachavhota.

Makanzura ose ari kutarisirwa kuvhota musarudzo yeZifa iyi iyi vaivepo pamabiko akaitwa aya kunze kwezvikwata gumi nechimwechete zvemuPremier Soccer League.

Asi vamiriri veBuffaloes, Chapungu, Dynamos, Whawha, neFlame Lilly, vaivepowo pagungano iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG