Accessibility links

Breaking News

VaTsigiri veNhabvu Votambira neMufaro Kusiya Basa kwaVaDube kuZIFA


Dynamos
Dynamos

Vatsigiri venhabvu varikupemberera nekudzingwa kwakaitwa VaCuthbert Dube semutungamiri venhabvu muZimbabwe.

Kubva kunaZambezi kusvika kuna Limpopo nyaya ndiyo imwechete yekudzingwa basa kwavaCuthbert Dube semutungamiri weZifa veruzhinji vachiti izvi zvaifanira kuve zvakaitwa kare.

Kunyange hazvo VaDube vaive vati varikuregedza basa musi wa 5 Zvita veZifa Council avo vakasangana mukupera kwesvondo vakabvumirana kuti vaDube pamwe nebhodhi ravo rese vaende ikozvino.

VaIgnatius Muzondiwa vanoti vaDube vakauraya nhabvu zvekuti kuenda kwavo kwaive kwavanonokera.

Mutsigiri wechikwata cheGunners VaNorman Masiyambiri vanoti VaDube vanga vachishaina nemari yavaipa Zifa iyo vanoti vakaba muPremier Medical Aid Society. Asi VaDube vanoti havana kana kobiri ravakaba kukambani iyi.

Muzvare Chipo Nyangoro vanoti veZifa Council vanofanira kuregedza zvekuisa panzvimbo vanhui vane mari vosarudza vanoziva zvanhebvu.

Zvichakadaro, chikwata chenhabvu chevanhukadzi chemaMighty Warriors chadongorera kuenda kumakwikwi emitambo epasi rose e 2016 Olympic Games ayo achaitirwa kuRio de Janeiro kuBrazil.

Chikwata ichi chave kungoda kukunda Cameroon 1-0 kuti chive chikwata chenhabvu chekutanga muZimbabwe kubudirira kuenda kumabiko emitambo epasi rose aya mushure mekurohwa zvakareruka 2-1 kuYaounde mukupera kwesvondo.

MaMighty Warriors achange ari pamusha mumasvondo maviri anotevera izvo zvabva zvasimbisa mukana wavo wekukwanisa kuenda kumakundano ane mutsindo epasi rose aya.

Mitambo munyika yakaendererawo mberi kuchitambwa mitambo yeChibuku Super Cup munhandare yeMandava Stadium kuZvishavane.

Chikwata cheHarare City chakapinda mufainari yeChibuku Super Cup kwemakore maviri akateverana mushure mekudambura ZPC Kariba 4-1. Chikwata ichi chichasangana neDynmos iyo yakarova Chapungu 1-0 nechibodzwa chakabva kuna Roderick Mutuma.

Dynamos yacho yakarovawo Chapungu zvikarwadza vatambi vechikwata chemauto emuchadenga avo vaitarisira kukunda kuti vawedzerwe nyembe kubasa uko vanoshanda kuAirforce of Zimbabwe.

Mutambi weChapungu Alan Tavarwisa anoti vakaita zvose zvavanogona kuti vakunde mumutambo uyu asi zvakakona n'anga murapwa achida. Fainrai yeChibuku Super Cup ichatambwa musi we 31 Gumiguru.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG