Accessibility links

Breaking News

Dynamos Yoomerwa neZvinhu muCastle Premier Soccer League


Dynamos vs Highalnders
Dynamos vs Highalnders

Chikwata chine mukombe we Castle Lager Premier Soccer League cheDynamos chave kuomerwa nemakundano egore rino.

Chikwata ichi chave pasi peChicken Inn nemapoinzi matanhatu, uyezve pasi peFC Platinum nemapoinzi maviri kwasara mitambo misère kuti makundano aya apere.

Izvi zvinotevera kurohwa kwakaitwa Dembare 3-1 neFC Platinum mukupera kwesvondo.

Kwatambwa mitambo makumi maviri nemaviri, Dynamos ichiri nemapoinzi makumi matatu nemapfumbamwe, Chicken Inn iyo irikutungamira ine mapoinzi makumi mana nematanhatu uyezve FC Platinum ine mapoinzi makumi mana nerimwechete.

Asi mumwe mutsigiri weDynamos VaFanuel Mureriwa vanofunga kuti Dynamos ichatora chete mukombe wakakosha uyu.

Asi VaProsper Magugu vanoti zveDynamops yave nhoroondo vachiti ivo maonera avo hondo yave pakati peChicken Inn neFC Platinum.

Mumwe mutsgiri wenhabvu VaStanford Mupera vanofunga ivo kuti FC Platinum ndiyo ichatora mukombe.

Chicken Inn neFC Platinum dziri munzira yekuda kutevera Monomotapa muna 2008, Gunners muna 2009 neMotor Action muna 2010 kuva chimwe chezvikwata zvisina mukurumbira kutora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League.

Chirikunyanyofadza ndechekuti murairidzi weChicken Inn Joey Antipas ndiye akatora mukombe neMotor Action muna 2010 uyezve Norman Mapeza uyo arikurairidza FC Platinum ndiyezve akatora mukombe neMonomotapa muna 2009.

Mimwe mitambo yakapera seizvi

Flame Lilly 2 Hwange 2

Whawha 0 Traingle 0

Dongo 0 Chapungu 0

Tsholotsho 2 How Mine 1

Caps United 0 Buffaloes 0

Harare City 1 Highlanders 0

VaMagugu vanofunga ivo kuti Highlanders ikaramba ichitamba zvavari kuita vanobuda mamakwikwi eCasle Lager Premier Soccer League.

Zvakamira zvakadai. Zvikwata zvina zviri pamusoro ndeizvi.

Chicken Inn 46 points

FC Platinum 41 points

Dynamos 39 points

Triangle 37 points

Zviri pasi pasi ndeizvi

Tsholotsho 21 points

Flame Lilly 19 points

Whawha 19 points

Dongo 18 points

Tichitarisa munyaya dzemaAll Africa Games. Chikwata chemaYoung Warriors chakakunda Congo 1-0 mumutambo wacho wekugumisira kumakundano aya.

Parizvino. Zimbabwe ine menduru ina, nhatu dzegoridhe neimwechete yebronze idzo dzakawanikwa nemutuhwini Kirsty Coventry.

Asi achitaura neStudio 7, Kirsty anoti aya ndiwo makwikwi ake ekupedzisira sezvo zera rake rinenge risisamutendere kuti arambe achikwikwidza.

Kirsty anotiwo makwikwi eku RIO, Olympics ndiwo achave ekugumisira. Mutihwini yu aita nhoroondo inotyisa sezvo akatora menduru pfumbamwe dzegoridhe kumaAll Africa Games matatu apfuura uye akashurawo mare kumaOlympics.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG