Accessibility links

Breaking News

Dynamos Yokweshana neFC Platinum muCastle Premier Soccer League


Dynamos vs Highalnders
Dynamos vs Highalnders

Kunenge kusingadanwe anonzwa mukupera kwesvondo apo makwikwi enhabvu eCastle Premier Soccer League hwonanga kwamvura yacheka makumbo.

Kunhandare yeMandava Stadium neMugovera achange ari makuwerere apo zvikwata zvirikurwira mukombe weCastle Lager Premier Soccer League, FC Platinum neDynamos zvirikutashurana mumutambo wanga uri pamuromo wevakawanda svondo rose.

FC Platinum haisati yarohwa mumitambo gumi nemiviri yapfuura asi vanoongorora zvenhabvu vanoti yanga isingatambe nezvikwata zvakasimba vachiti ivo chikwata chese muZimbabwe chinoratidza kugona kwacho nekurova Dembare chete.

Murairidzi wechikwata cheDynamos Tonderayi Ndiraya arikubvuma kuti mutambo uyu wakaoma asi anoti seDynamos vanotarisira kukunda mumitambo yese yavanotamba.

FC Platinum irikukwikwidza zvine mutsindo mumakundano aya gore rino zvekuti mutambi wavo arikurura Brian Muzondiwa anoti chishuwo chake chekutora mukombe weligi nekunomiririra nyika muCaf Champions League chichazadzikiswa.

Asi vanokwanisa kuswedera pedyo nekuita izvi chete kana vakakunda Dynamos sezvo izvi zvinovasiya vave pachinhanho chechipiri nemapoinzi maviri pamusoro peDembare.

Asi vakarohwa unenge wave mutoro chaiwo sezvo vanenge vave nemapoinzi mana pasi peDynamos uyezve masere pasi pechikwata chirikutungamira cheChicken Inn icho chirikutarisirwa kudambura ZPC Kariba pamusha.

Kugona Kunenge Kudada neDembare dzikaita mangange maGame Cocks (Chicken Inn) akakunda, zvikwata izvi zvinobva zvasara zvakasimba kwasara mitambo misère chete kuti makundano aya asvike kwamvura yacheka makumbo.

FC Platinum neDynamos zvirikusangana zvekare svondo rinouya mumakundano eChibuku Super Cup mushure mekubatanidzwa neChina pamabiko akaitirwa kuGweru.

Mubati wehomwe weDynamos VaWebster Marechera vanoti Dynamos yatarisana nemari yavanga vachitsvaga kuti vabhadhare zvikwereti zvakawanda zvavakatarisana nazvo. Vanoti varikutarisira kukunda FC Platinum mumitambo yose miviri iyi.

Mune muumwe mutambo wakatarisirwa neveruzhinji ndeuyo urimuRufaro Stadium neMugovera zvekare apo Highlanders irikushanyira Harare City.

Highlanders yave nemurairidzi mutsva Cosmos ‘Tsano’ Zulu mushure mekudzingwa kwaBongani Mafu. Mutambi Brighton Tuwaya uyo akambotambira Lancashire Steel, Shabanie Mine pamwe neDynamos ane chivimbo naZulu zvekuti anoti Bosso ichasimuka mumitambo yasara.

Asi murairidzi weHarare City Taurayi Mangwiro anoti chikwata chake chinofanira kugadzirisa pavarikunyanyo tadza pekupedzisa mikana yavari kuwana kuti varove Bosso.

Mimwi mitambo iriko yakamira seizvi

Caps United vs Buffaloes

Whawha vs Triangle

Dongo vs Chapungu

Tsholotsho vs How Mine.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG