Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri VeZimbabwe "Warriors" Votarisira Kuti Ichakunda Guinea muMutambo weAfrican Nations Cup


Zimbabwe Warriors
Zimbabwe Warriors

Vatsigiri venhabvu muZimbabwe havasi kutarisira chimwe chinhu kunze kwekukunda apo chikwata chavo chirikupinda munhandare neSvondo mumutambo wavo we2017 Africa Cup of Nations neGuinea.

Kubva kuna Zambezi kusvika kuna Limpopo vatsigiri venhabvu varikutarisira kuita mhemberero pachapera mutambo wavo nema Syli Nationale ayo arikutatarika munzira yekuenda kuma 2017 Africa Cup of Nations.

Veruzhinji varikufara nechikwata chakaunganidzwa nemurairidzi wavo Calisto Pasuwa zvekuti vashoma-shoma vanofunga kuti chikwata chavo chingadamburwe musi uyu.

VaModercai Musanhu vanoti chikwata chemaWarriors chine mongo zvekuti varikuona Pasuwa achikunda zvekukwanisa kuendesa chikwata ichi kumafainari.

Pasuwa uyo arikuvimbisa zvekare mufaro akadaidza vatambi vese veZimbabwe vanemukurumbira mune dzimwe nyika kusanganisa Nyasha Mushekwi, Knowledge Musona, Khama Billiart, Costa Nhamoinesu, C uthbert Malajila, Mathew Rusike, pamwe nemutungamiri wevatambi ava Willard Katsande.

VaIsaac Maheya avo vanoti hapana chimwe chikwata chavanofarira munyika kunze kwemaWarriors vanoti hapana chirikubuda muRufaro Stadium kunze kwekukunda.

Mubati wehomwe wechikwata cheCaps United VaMorton Dodzo vanoti maWarriors arikupihwa shungu nezvakawanda kusanganisa kuti varikutamba pamusha apo vasingade kukundwa zvachose.

Asi mumwe mutsigiri weDynamos vaBlessed Mutanga varikupokana nekuona kweruzhinji vachiti ivo kunonoka kupinda mukamba kwemaWarriors kuchavarovesa.

Vanoti ivo maWarriors akatotamba zvakana anoita mangenge kwete kukunda. Zvakamira zvakadai. Vanotungamira nhabvu veZifa vaona kukosha kwakaita mutambo uyu zvekuti varikuda kukwezva chaunga kuti chiuye.

VeZifa havana kupamhidzira mari yemuripo wepagedhe vachiti ivo veruzhinji vachabisa mari inoita iyo madhora matatu chete kuona mutambo wakakosha uyu

Vanoda kugara panzvimbo inodhura yeVIP vachabhadhra ivo madhora gumi chete. VaMaheya vanoti nhandare yeRufaro Stadium idiki zvekuti vanga vachida kuti dai zvaiita vekuGuinea vaiuyawo kuzozadza nhandare iyi vachiona chikwata chavo chichibanzurwa.

MaWarriors akakunda mumutambo uyu anoenda pamusoro soro pegungano iri zvichienderanawo nekuti Malawi neSwaziland zvatamba sei mumutambo wavo.

Pari zvino maWarriors akaenzana neSwaziland iyo ine mapoinzi matatu zvekare. Guinea neMalawi hadzina kana poindi imwechete.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG