Accessibility links

Breaking News

Muzvinafundo Jonathan Moyo Vomiswa Kuva Gurukota


Jonathan Moyo
Jonathan Moyo

Muzvinafundo Jonathan Moyo vanove gurukota rezvekuburitswa kwemashoko vanonzi neChipiri vambomira kuva gurukota nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Vamwe vakuru mubato reZanu-PF vanoti hapana chinoshamisa nekuti pasi pebumbiro remitemo VaMoyo vanofanira kumboti mirei basa nekuti vakasarudzwa segurukota ndokutora mhiko vasiri nhengo yedare reparamende asi ikozvino vakadomwa kuti vamirire Tsolotsho North musarudzo dzemusi wa10 Chikumi.

Vamwe vakuru muZanu-PF vanoti vainge vasina chokwadi kuti VaMoyo vanodzoka pachigaro ichi vachivapomera mhosva yekukonzera nyonga nyonga mubato.

Mubato reZanu-PF manyanya nyaya yekukandirana makobvu nematete pakati pevakuru vebato vachipomerana mhosva yekurwira chigaro chaVaMugabe.

Hatina kukwanisa kubata muzvinafundo Moyo kana munyori mukuru wedare remakurukota VaMisheck Sibanda.

VaMoyo vakasarudzwa kuva gurukota muna Gunyana 2013 pakapera sarudzo idzi dzakakundwa neZanu-PF asi vanopikisa vachiti bato iri rainge rabirira sarudzo.

XS
SM
MD
LG