Accessibility links

Breaking News

Ghana ne Ivory Coast Dzotashurana neSvondo


Chikwata cheGhana
Chikwata cheGhana

Maroto anga achiitika ekuti ndiani achatora mukombe we 2015 Africa Cup of Nations ari kuguma neSvondo pachadamburana Ghana ne Ivory Coast mumakwikwi ekupedzisira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mazuva makumi maviri nemaviri apfuura, vateveri venhabvu vanga vachizara mudzimba dzinoitwa zvekubheja nhabvu vachiisa mari dzavo pazvikwata zvavanga vachifunga kuti zvinokunda mumitambo yeAfrica Cup of Nations.

Vamwe vari kuchema mushure mekudyiwa mari dzavo, avowo vaibhejera Ghana neIvory Coast vachipemberera mushure mekuitiswa mari nezvikwata zviviri zvekuWest Africa izvi.

Vari kunyanyozhamba ndeavo vakaita saVa Stanford Kadzviti avo vaifunga kuti zvikwata zvekuchamhembe kwe Africa zvichakunda pakatanga mitambo iyi

VaKadzviti vairota Zambia ichitora zvekare mukombe uyu mushure mekuita chikwata chechipiri kutevera South Africa kutora mukombe uyu kubva kuchamhembe kweAfrica muna 2013.

Asi izvi hazvina kuitika mushure mekunge zvikwata zvese zvekuchamhembe kweAfrica, Zambia ne South Africa zvarohwa munharaunda yekutanga.

Zvakamira zvakadai, maroto ekuti achatora mukombe uyu achiri kuenderera mberi asi ari kupera svondo muEquatorial Guinea apo maBlack Stars ekuGhana ari kusangana nemaElephants ekuIvory Coast.

Kusangana kwezvikwata zviviri zvemuWest Africa izvi mufainari yemakundano aya zviri kuratidza kuti hunyanzvi hwenhabvu muAfrica huri kubva kuNorth Africa huchienda kune dzimwewo nzvimbo.

Egypt yakatora mukombe uyu kanomwe kusanganisira muna 2010 na 2012 asi mukombe uyu wakazotorwa neZambia muna 2013, uyezve pari zvino uri kuNigeria.

MaBlack Stars akapedzisira kutora mukombe uyu makore makumi matatu nematatu apfuura.

Ivory Coast yakasvika pedyo pamakundano maviri ematatu apfuura apo yakakundwa mufainrari.

Muteveri wechikwata cheCaps United, VaFarai Mugoni, vanoti ivo Ivory Coast iri kudamburwa zvekare mufainari yegore rino.

MaBlack Stars ane vateveri vakawandisa muZimbabwe zvekuti mumwe mutsigiri wenhabvu, VaJivas Makoni, vari kuti vaunganidza mari yekubhejera Ghana kuti inotora mukombe uyu mushure mekupedzisira kuita izvi muna 1992.

Asi veruzhinji vanofanira kuyambirwa kuti vasatarisira pasi ma Elephants pasi.

Asi chero zvaitika, chokwadi nedechekuti mukombe uyu uri kuramba uri kuWest Africa kwemakore maviri anotevera sezvo Ghana ne Ivory Coast dzose dziri dzemu West Africa.

Vakawanda vari kutarisira kuti mutambo weGhana ne Ivory Coast uchapera pasina mhirizhonga seyakaitika nezuro pakatamba Ghana ne Equatorial Guinea.

Panguva iyo, makwikwi eAfrica Cup of Nations arikusvika pamagumo, vePremier Soccer League vatara musi wa 1 Kurume semusi uchatanga makundano enhabvu egore rino asi ari kutanga asina makwikwi emukombe anowanzo vhura musangano gore rega rega.

Marongerwo anga akaitwa ndeekuti makundano eMbada Diamonds Cup ayo asina kuitwa gore rapera ndiwo anga achifanira kutanga kuitwa.

Asi izvi zvakundikana nemhaka yekushaikwa kwemari yakakwana nekambani inoisa mari mumukombe uyu yeMbada Diamonds iyo isiri kufambirwa nezvinhu zvakanaka.

XS
SM
MD
LG