Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veNhabvu Vofarira Zvikwete Zvinotambira Mhiri kweMakungwa Kudarika Zvikwata Zvavo


Pese pese paunofamba muZimbabwe unosangana nenguwo dzezvikwata zvenhabvu zvekunze zvakaita seManchester United, Arsenal, Barcelona, Chelsea, Liverpool, pamwe neReal Madrid.

Vateveri venhabvu mu Zimbabwe vakanganwa zvenhabvu yemunyika vachitevera zvikwata zvekunze zvinotambira mhiri kwemakungwa.

Pese pese paunofamba muZimbabwe unosangana nenguwo dzezvikwata zvenhabvu zvekunze zvakaita seManchester United, Arsenal, Barcelona, Chelsea, Liverpool, pamwe neReal Madrid.

Nenguva dziri kure uyezve wambotenderera ndipo paunosangana nevamwewo vanenge vakapfeka zvinoendererana neDynamos, Highlanders, Caps United kana maWarriors.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Izvi zvakasiyana zvikuru nezvinoitika kune dzimwe nyika kusanganisira muSouth Africa umo vanokoshesa zvikwata zvavo zvekuti pese paunofamba zvipfeko zveMamelodi Sundowns, Orlando Pirates, kana Kaiser Chiefs ndizvo zvaunosangana nazvo.

Pane vamwewo zvavo muSouth Africa vanopfeka nguwo dzezvikwata zvekunze asi vashoma uyezve ukazonyatsocherechedza unoona vasiri vemunyika imomo asi vachishandiramo kubva kune dzimwe nyika.

Muongorori wezvemutambo wenhabvu, VaWallace Mawire, vanoti nhabvu muZimbabwe yawira pasi zvinotyisa zvekuti vemuno vacho vave kunyara kuonekwa vakapfeka nguwo dzezvikwata zviri kunyadzisa apo zviri kutamba nezvikwata zvekunze kwenyika.

Izvi zvatsingirwawo zvekare nemutsigiri wenhabvu, VaPatrick Mombeshora, avo vanoti nhabvu yemuno yave pasi pasi tichitarisa neyekune dzimwe nyika izvo vanoti ndizvo zvaita kuti veruzhinji vafarire nhabvu yekune dzimwe nyika.

Pamakore gumi apfuura, zvikwata zvemuZimbabwe zvanga zvichidamburwa munharaunda yekutanga muCaf Champions League nemuCaf Confederations Cup.

Chikwata chemaWarriors chakapedzisira muna 2006 kuenda kumaAfrica Cup of Nations uyezve chimwe chacho chakadzoka svondo rapera kubva kumaAfrica Nations Championships chiine poindi imwe chete chete kubva mumitambo mitatu.

Nyaya yekusakosheswa kwezvikwata zvemuno nemhaka yekukundwa nguva dzose yadzama zvikuru zvekuti mumwe wevatsigiri venhabvu, VaEphraim Gwavava, vanoti vakatorwadzikana nekudyiwa kwakaitwa Manchester United 1-0 neSouthampton musi mumwe chetewo maWarriors aive arohwa 1-0 neMali ndokubuda mumakwikwi emaNations Championships.

VaMombeshora vanoti pamusoro pekuwira pasi kwaita nhabvu munyika, zvipfeko zvezvikwata zvemuno hazviwanike muzvitoro.

Asi mukuru wekumahofisi eZifa, VaJonathan Mashingaidze, vanoti nguwo dzinoenderena nemaWarriors dzakazara muzvitoro sezvo vane chibvumirano nekambani inovapa zvekutambisa kuti inofanira zvekare kuvapa zvekutengesera vatsigiri venhabvu.

Vakawanda vave kusarudza zvekare kuona mitambo yezvikwata zvekunze paterevhizheni panguva imwecheteyo mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League kana yemaWarriors inenge ichitambwa.

Pafainari yeOne Wallet Cup yegore ra2014 vanoisa mari mumakundano aya, veNetOne, vakagunununa zvikuru mushure mekunge vanhu vashoma shoma vakaenda kunoona mutambo waive pakati peDynamos ne Triangle vachisarudza kuona mutambo waivepo panguva imwe cheteyo uyo waive pakati peChelsea neLiverpool.

VaMawire vanoti veruzhinji vave kuona zviri nani kuchengetedza mari yavo vachinakidzwa havo nenhabvu yepaterevhizheni pane kubhadhara michovha nekunobhadhara kuona bhora risinganakidze.

Asi vamwewo saVa Kingstone Marange vanoti nyaya dzekubhejwa kwemitambo yekunze kunyanya yeBarclays Premiership, yeLaliga pamwe neyeBundersliga ndizvo zvaita kuti vemuno vakanganwe zvenhabvu yemunyika vachiisa pfungwa dzavo kumitambo yekunze.

Asi mune dzimwe nyika munoitwawo zvekubheja vagari vemo vachitsigira zvekare zvikwata zvavo.

XS
SM
MD
LG