Accessibility links

Breaking News

Masoja Anorova Zvakaipisisa Nhengo dzeMDC muHighfield


Zimbabwe Defence Forces Day
Zimbabwe Defence Forces Day
Masoja anonzi arova zvakaipisisa nhengo dzeMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai mumusha we Highfield dzanga dzichikurudzira veruzhinji kuti vagozoenda kumusangano uchaitwa naVa Tsvangirai mu Highfield makare neMugovera.

Vechidiki veMDC-T vanonzi varohwa zvakaipisisa nemasoja mumusha we Highfield neChitatu apo pavanga vachikurudzira vatsigiri vebato iri kuti vaende kumusangano wakatarisirwa kuitwa neMugovera.

Nhengo ye MDC-T inomirira Highfield muparamende, Va Eric Murai, vati masoja asvikira vechidiki ava vachinamira mapepa ekushambadzira musangano uchaitwa naVa Tsvangirai nevatsigiri vavo ndokuvazvindikita vachinzi vari kuita zvisingabvumidzwe munyika.

Va Murai vati pane nhengo dzavo nhanhatu dzakuvara zvakaipisisa mumhirizhonga iyi uye nyaya iyi inonzi yatosvitswa kumapurisa.

Asi mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, vati vanoda kunyatsonzwisisa zvaitika kubva kumapurisa eku Highfield kwaitikira nyaya iyi kuti vazonyatsopa divi remapurisa panyaya iyi.

Zvisinei nekurohwa kwaitwa nhengo dzavo nemasoja uku, Va Murai vati musangano wavo uchaenderera mberi uye zvaitwa izvi zvatovapa simba rakanyanyisa rekuti musangano uyu ubudirire.

Kurohwa kwaitwa nhengo dzeMDC-T idzi kunouyawo apo bato iri richiramba rakatsika madziro richiti mashandiro evari muchiuto anofanirwa kuvandudzwa.

Asi bato re Zanu PF rinoti hapana chichachinjwa mumashandiro emapurisa nemauto sezviri kudiwa ne MDC.

Vamwe vakuru-vakuru muchiuto vakaita saVa Douglas Nyikayaramba vakabuda pachena kuti havazofi vakacherechedza Va Tsvangirai semutungamiri wenyika kunyange vakazosarudzwa neveruzhinji kuva mutungamiri wenyika.

Studio7 haina kukwanisa kutaura nemutauriri wemapurisa kuti tinzwe kana masoja aya anga ari pabasa paarova nhengo dzeMDC.

Aka hakasi kekutanga nhengo dze MDC dzichirohwa nemasoja, sezvo izvi zvava garoziva kuti mapurisa nemauto anoita basa rekurova pamwe nekumbunyikidza nhengo dzeMDC nguva dzose.
XS
SM
MD
LG