Accessibility links

Breaking News

PSL Yobvumidza Kutengwa kweVatambi Vatsva


Dynamos vs Highalnders
Dynamos vs Highalnders

Premier Soccer League yavhura mukana wezvikwata wekutenga vatambi vatsva pamwe nekutengesa vavasisade.

Gonhi remukana uyu richavharwa musi wa 31 Chikunguru apo zvikwata zviri kutarisirwa kuve zvatenga vatambi vavanotarisira kuti vachavabatsira kutora mukombe we Castle Lager Premier Soccer kana kuvabvisa mumadhaka ekuenda mu Division One gore rinouya.

Izvi zvichapawo mukana Dynamos wekunyoresa semutambi wayo, Roderick Mutuma, uyo akamborambidzwa nePSL muna Kurume achinzi iye aive auya kuDynamos nguva yekunyoreswa kwevatambi vainge vachibva kunze dzimwe nyika yaive yadarika.

Mutuma anga achitambira chikwata che Bloemfontein Celtic chekuSouth Africa gore rapera.

Pari zvino hapana chikwata chiri kuratidza kuti chichatora mukombe wePSL sezvo zvikwata zvina zviri pamusoro zvakasiyana nepoindi imwe chete.

Saka zvave kuvarairidzi vezvikwata kuti vachazvifambisa sei panguva ino apo vatambi vavachatenga ndivo vacharatidza kuti pfungwa dzavo dzakadzama sei munyaya dzenhabvu.

Mukuru wekumahofisi ePremier Soccer League, VaKennedy Ndebele, vanoti makwikwi aya asvika pakunakidza zvakaoma.

Pari zvino zvinhu zviri kufamba zvakanaka kuzvikwata zvine mukurumbira cheHighlanders, Dynamos neCaps United izvo zviri pamusoro.

Murairidzi weCaps United, Taurayi Mangwiro, anoti zvinhu zvavo zvave mugwara mushure mekutanga zvisina kunaka.

ZPC Kariba, iyo isati yamborohwa gore rino yakatamba mutambo wayo nezuro apo yakarova Hwange 2-0 vachienda pachinhanho chechipiri pasI peHighlanders.

Limited Chikata uyo akanwisa nezuro anoti iye chinangwa chavo ndechekuramba chiri pazvikwata zvina zvinorura muZimbabwe.

Highlanders iri kutarisira kuwedzera mapoinzi ayo pamusoro apo iri kutamba neHow Mine neSvondo panguva imwecheteyo Dynamos iri kubandana neBlack Rhinos mumutambo Dynamos iri kutarisirwa kukunda
muNational Sports Stadium.

Asi maziso ese ari kuChiredzi uko kune mvonga mupopoto vanhu vachitarisa ivo kuti murairidzi wechikwata ichi, Moses Chunga, achange ari pabasa here mushure mekunge vanoti vanotungamira chikwata ichi vati vakamudzinga
basa iye achiti haadzingike sezvo ari mumwe wevaridzi vechikwata chimwe chetecho.

Chiredzi, iyo iri pasi pasi muPremier Soccer League, iri kusangana neHarare City.

XS
SM
MD
LG