Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Warriors Yotambira muBarbourfields Stadium kuBulawayo


Zimbabwe Warriors
Zimbabwe Warriors
Chikwata chenyika che Zimbabwe Warriors chatanga neChitatu hupenyu hutsva mumusha wacho mutsva weBarbourfields Stadium kuBulawayo.

Chikwata ichi chatama kubva muRufaro Stadium muHarare chichienda kuBarborufields Stadium kuBulawayo uko chichange chichitambira mitambo yacho yose ye2015 Africa Cup of Nations pamwe nemimwe ichatevera.

NeChitatu mangwanani vatambi vechikwata ichi vanga vachiongorora mamiriro enhandare iyi apo vatambi vese vakadaidzwa pamutambo wehushamwari neMozambique vaungana muBarbourfields Stadium vachitanga gadziriro yemutambo wavo nevakomana veMambas.

Achitaura kubva kuBulawayo, mutevedzeri wemurairiridzi wechikwata chenyika, Ian Gorowa, Kalisto Pasuwa, anoti vatambi vavo vatanga gadziriro muBarbourfields stadium, uye sekuona kwake, vatambi ava vafarira nhandare iyi.

Asi vatambi ava vachanyatsonzwa kuti nhandare yeBarbourfields iyi ine chimuko here mune ramangwana apo vari kutamba neMozambique iyo iri kuendawo zvekare kunokwikwidza kumaAfrican Nations Championships.

Gorowa ari kushandisa zvekare mutambo uyu kuongorora vatambi vaanavo kuti asarudze vatambi vaachaenda navo kumaAfrican Nations Championships ayo ari kutanga muSouth Africa musi wa 11 Ndira.

Kubvira Gorowa apihwa basa rekurairidza maWarriors, chikwata chake hachisati chakunda muRufaro Stadium mushure mekuita mangange neZambia pamwe neMauritius.

Asi chiri kushamisa ndechekuti chikwata ichi chakakwanisa kunokunda mumitambo mitatu iyo chakatamba kunze kwenyika apo chakanorova Zambia, Mauritus pamwe neSouth Africa.

Gorowa anoti iye nhandare yeRufaro Stadium yadarikwa nenguva zvekuti tsangadzi dzemugadzirirwa dzirimo, dzaipa.

Pamusoro pemitambo ye2015 Africa Cup of Nations, Gorowa anoti mitambo yese ichatambwa iye ari panyanga ichange ichitambirwa kuBarbourfields.

Zvikwata zvichatamba neZimbabwe kuBarbourfields Stadium muma 2015 Africa Cup of Nations zvichazivikanwa chete apo veConfederation of African Football vachaita hurongwa hwekubuda nezvikwata zvichatamba mumakwikwi aya.

Izvi zvaifanirwa kuve zvakaitwa muna Kurume kuMorocco, asi hazvina kukwanisika zvekuti zvave kuzoitwa muna Kukadzi muSouth Africa.

Mitambo yemakwikwi e2015 Africa Cup of Nations qualifiers iri kutanga muna Gunyana gore rinouya.

Chikwata chemaWarriors chiri kutarisira kuenda kumakwikwi eAfrica Cup of Nations mushure mekukundikana muna 2008, 2010, 2012 pamwe ne 2013.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG