Accessibility links

Breaking News

Mitambo yeNhabvu Yodzikira muHarare


Castle Lager Premier League logo
Castle Lager Premier League logo
Chikwata cheDynamos chingadai chakatora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League gore rino, nhabvu muHarare iri kuratidza kuti yadzikira zvikuru.

Castle Lager Premier Soccer League yave nezvikwata zvishomanana zvinobva muHarare mushure mekubuda kweBlack Mambas, Monomotapa pamwe ne Motor Action zvichisiya zvikwata zvitatu chete zvemuHarare mumakwikwi egore rinouya.

Izvi zvasiyana zvikuru nemakore apfuura apo Harare ndiyo yaive nezvikwata zvakawandisisa munhabvu yepamusoro munyika.

Mugore ra 2010, Harare yaive nezvikwata gume nechimwe mumakwikwi ezvikwata gumi nezvitatanhatu apo zvikwata zvakaita seMotor Action, Dynamos, Gunners, Caps United, Monomotapa, Kiglon, Eagles, Shooting Stars, Black Mambas, Lengthens, ne Douglas Warriors, zvaikwikwidzana.

Mugore ra ra 2011, Harare yaive nezvikwata zvipfumbamwe, izvo zvinosanganisira Shooting Stars, Kiglon, Black Mambas, Blue Ribbon, Gunners, Monomotapa, Motor Action, Caps United, and Dynamos.

Asi zvikwata izvi zvakazodzika kusvika pazvinomwe muna 2012 mushure mekubuda kweKiglon neShooting Stars pamwe nekutengeswa kweBlue Ribbon.

Muna 2013, zvanga zvave zvitanhatu apo Gunners neShooting Stars dzakaburitswa mumakwikwi aya.

Asi gore rinouya zvikwata izvi zvadzika zvinotyisa nhabvu yepamusoro ichifararira kumaguta akaita seMutare, Triangle, Hippo Valley, Zvishavane, Hwange, Bulawayo, Plumtree, Kadoma, ne Kariba.

Murairidzi weZPC Kariba, Jostein Mathuthu, anoti vauya munhabvu yepamusoro kuzogara nekuchengetedza nhabvu iyi muguta iri.

Chimwe chiri kunyanyonakidza ndechekuti pamikombe yese gore rino, mukombe weCastle Lager Premier Soccer League chate ndiwo wakasara muHarare. Mukombe weBanc ABC Sup8r wakaenda kuShabanie. Mukombe we NetOne Charity Shield wakatorwa neChicken Inn.

Mukombe weMbada Diamonds Cup uri munzira kuenda kuBuklawayo sezvo zvikwata zvemuguta iri, Highlanders neHow Mine, ndizvo zviri kusangana mumakwikwi ekupedzisira.

Aimborairidza chikwata Warriors uyezve akambove mutungamiri wevatambi wechikwata ichi, Misheck Chidzambwa, anoti makundano aya akanakidza zvikuru sezvo pasina chikwata chimwe chete chaingokunda.

Asi chasara ndechekuonawo zvikwata zvekumaguta madiki zvichitorawo mukombe mukuru uyu.

Mune chimwe chiitiko munyaya dzemitambo, chikwata chemaWarriors chawira pasi zvinhanho zvina mumaFifa Coca Cola world rankings ayo abuditswa nevanotungamira nhabvu veFifa ava nhasi masikati.

Chikwata ichi chave pachinzvimbo chezana nenhanhatu mushure mekunge chaive pazana nembiri apo ongorooro iyi yakapedzisira kuitwa.

MaWarriors adzikira pasi zvekare muAfrica zvekuti ave pachinzvimbo chemakumi maviri nepfumbamwe mushure mekunge vaimbove pamakumi maviri nenomwe mwedzi wapera.

Izvi zvinotevera kutadza kukunda kwakaita maWarriors chikwata chisina mbiri cheTanzania apo zvaikwata izvi zvakaita mamngenge mumutambo wehushamwari mwedzi uno.

Chikwata che Ivory Coast charamba chiri pamusoro muAfrica chichiteverwa neGhana, Algeria neNigeria. Zvikwata izvi zviri kuenda kuWorld Cup gore rinouya kuBrazil.

Zvakamira zvakadai, Spain ndiyo ichiri kutonga pasi rose ichiteverwa neGermany neArgentina.
XS
SM
MD
LG