Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anorova Nhengo dzeWoza muHarare


Woza Demo
Woza Demo

Dzimwe nhengo dzesangano reWomen of Zimbabwe Arise, kana kuti Woza, dzambochengetedzwa nemapurisa mu Harare neChitatu mushure mekuratidzira kwadzaita paparemende dzichitsutsumwa nekunyombwa kwakaitwa vanhu verudzi rwechiKalanga nemutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe.

Nhengo dzeWoza dzanga dzichidarika mazana mashanu dzaratidzira dzichitsoropodzwa kwakaitwa maKalanga naVa Mugabe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Varatidziri ava, avo vanga vakatakura mapepa ane zvinyorwa zvakasiyana-siyana zvichitsoropodza mashoko aVa Mugabe, vaimba kwemaminitsi mashomanana mapurisa ndokuuya kuzovazvindikita.

Zvimwe zvezvinyorwa izvi zvanga zvakanzi "Hatidi kusarurana kwemarudzi mu Zimbabwe".

Mumwe wevaratidziri ava, Amai Tambudzai Manangazira, vati havasi kufara nemashoko akataurwa naVa Mugabe mushure memusangano wevatungamiri venyika dziri kuchamhembe kwe Africa kana kuti SADC wakaitirwa mu Harare mukupera kwemwedzi wapera pavakatsoropodza vanhu verudzi rwechiKalanga.

Va Mugabe vakati maKalanga ndiwo aikonzera kurwisana kwaiitika ku South Africa kwaidaidzwa kuti xenophobia uye vakati maKalanga aiva matsotsi asina kudzidza zvakakwana kuti vapinde mabasa.

Amai Manangazira vati aya haasi mashoko anofanira kutaurwa nemutungamiri wenyika.

Mumwe wevaratidziri ava, Muzvare Taurai Nyamanhindi, vati havatarisiri mashoko akadai kubva kuna Va Mugabe vanove mutungamiri weSADC pamwe ne African Union.

Muzvare Nyamanhindi vati Va Mugabe munhu anofanirwa kubatanidza vanhu vese vari mu SADC pamwe nemu Africa yose sezvo vari munhu ane chigaro chinoremekedzwa zvikuru.

Vati mashoko aVaMugabe anokurudzira kurwisana kwemarudzi pamwe ne xenophobia yakaita ku South Africa.

Amai Manangazira vati ivo pamwe nevanoona nezvekufambiswa kwemabasa mu Woza, Amai Jenni Williams, vambochengetedzwa nemapurisa paparamende mushure mekunge vaita munamato wanga uchikurudzira Va Mugabe kuti vadzore mwoyo wavo panyaya yemaKalanga.

Vatori venhau vana vambochengetwawo nemapurisa anochengetedza paparamende zvakare kwechinguva vachinzi vanga vasingabvumirwe kuita basa ravo pachiitiko ichi sezvo paramende iri nzvimbo inochengetedzwa. Asi vatori venhau ava vazoregedzwa zvavo vasina mhosva yavazopomerwa.

Mushure mekurohwa nekutorerwa mapepa avanga vakatakura, varatidziri ava vazoungana zvakare vakanosiya gwaro renyunyuto kukomisheni inowona nezvekodzero dzevanhu kana kuti Human Rights Commission.

Asvitsa gwaro iri kukomisheni iyi uye ari muKalanga, Muzvare Vigilant Lunga, vati hapana munhu akasarudza kuti avemu Shona, muNdebele kana muKalanga saka nokudaro marudzi ese anofanira kubatwa zvakaenzana.

Muzvare Lunga vati vavimbiswa ne Human Rights Commission kuti vachasvitsa nhuna dzavo kugurukota rinowona nezvemitemo, Va Emmerson Mnangagwa, vanove zvakare mutevedzeri wemutungamiri wenyika.

Zvisinei, vati vaudzwa nevekomisheni iyi Human Rights Commission haina simba rekuongorora kana kuferefeta mutungamiri wenyika.

Hatina kukwanisa kutaura naVa Mnangagwa kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi.

Gwaro rasvitswa neWoza kuparamende nekuHuman Rights Commission iri rinoti VaMugabe vanofanira kukumbira ruregerero kuruzhinji rweZimbabwe uye gwaro iri rinoti mashoko avo anogona kukonzera kusagadzikana munyika.

XS
SM
MD
LG