Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Vocherechedza World Press Freedom Vachigunun'una muZimbabwe


Zimbabwe Union Of Journalists President Foster Dongozi
Zimbabwe Union Of Journalists President Foster Dongozi

Vatapi venhau munyika vanoti vanoshushikana chose kuti kunyange hazvo bumbiro remitemo richiva kodzero dzekushanda vakasununguka, pachine mitemo inovambunyikidza vatori mukuita basa ravo munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura pamhembero dzeWorld Press Freedom Day dzange dzakarongwa nesangano reMedia Institute of Southern Africa -Zimbabwe, gweta zvakare vari nhengo yeZimbabwe Media Commission, VaChris Mhike, vati pachine mitemo yakawanda inokonzera kushungurudzwa kwevatapi venhau.

Vatiwo kunyange hazvo bumbiro remitemo richiti nhenpfenyuro pamwe nemapepnhau, zvikuru sei ehurumende, zvonofanira kushanda zvakazvimirira, hurumende pamwe nevezvematongerwo enyika vari kupindira mumashandiro emakambani aya.

Munyori mukuru wesangano reZimbabwe Union of Journalists, VaFoster Dongozi, vanoti zvinosuwisawo kuti mapepanhau nemakambani enhau akawanda ari kuvhara nekuda kwekuoma kwaita zvinhu munyaya dzehupfumi munyika.

Pane mapepanhau akati kuti anosanganisira The Mail, Southern Eye pamwe neGemazo akavhara mukati mumwedzi mishonana yapfuura uye asara acho ari kuderedza huwandu hwevashandi pamwe nekuderedza mihoro yavo.

Zuva reWorld Press Freedom Day rinocherechedzwa pasi rese musi wa 3 Chivabvu senzira yekukurudzira kuti vatori venhau kuti vashande vasingambunyikidzwi.

Zuva iri rakasvika nemusi weSvondo vazhinbji vasiri pamabasa izvo zvakazoita kuti richerechedzwe neMuvhuro muZimbabwe.

XS
SM
MD
LG