Accessibility links

Breaking News

Concourt Yozeya Kudzingwa Zvachose paCheshire kweVakaremara


Vagari vepa Cheshire Masterton muHarare, vaendesa nyaya yavo kudare redzimhosva re Constitutional Court, zvichitevera mutongo we Supreme Court wekuti vakaremara vari kugara panzvimbo iyi vabviswe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Musha weCheshire Masterton une vagari gumi nevatanhatu vane hurema hwakasiyana siyana. Vanhurume igumi, vanhukadzi vatanhatu, uye vanorarama nekutengesa zvinhu zvakasiyana siyana, nekubika sadza vachitengesa.

Musha uyu wakavakwa nechinangwa chekuti vakaremara vagare zvakatambanuka. Misuwo yekupinda mudzimba dzepo yakafaranuka uye panze nemukati panofambika zvakanaka nemunhu anenge aine wheel chair.

Zvimbuzi nemekugezera mune simbi dzinobatsira kuti munhu anenge akaremara akwanise kuzvisimudza pasina ruyamuro.

Sachigaro wekomiti inomiririra vagari vepanzvimbo iyi, Va Lewis Garaba, avo vanofamba ne wheel chair, vanoti makakatanwa pakati pevakaremara ava nevanotungamirira Cheshire Masterton, akatanga muna 1998, vachinzi vanotsvaga kumwe kwekugara nekuti nguva yavo yakanga yakwana.

Asi VaGaraba vanoti bumbiro remitemo yeCheshire haritauri kuti munhu anofanira kugarapo kwenguva yakadii.

Muna 2010 dare re High Court rakapa mutongo wekuti vakaremara vagare zvavo pa Cheshire. Asi vanotungamirira Cheshire muZimbabwe vakapikisa mutongo uye mu Supreme Court, dare iri rikapa mutongo muna Kukadzi wekuti vakaremara vabve paCheshire Masterton.

VaGaraba vanoti nzvimbo iyi yakanakira zvikuru vakakuvara misana sezvavakaita ivo.

Muzvare Hedwig Machina, avo vane makore makumi maviri nemanomwe ekuberekwa, vakaremara makumbo ese uye vanofamba ne wheel chair. Vanoti wese ari pa Cheshire ave kushaya kuti oenda kupi.

VaRungano Matanga, avo vane makore makumi mana nematatu, vakaremara makumbo ese uye vanofamba ne wheel chair.

Vanoti Zimbabwe iri kutadza kutevedzera nyika dzakaita se South Africa idzo dzinoisa zvido zvevakaremara pamberi.

Mudzimai waVaMatanga, Amai Beauty Matanga, vanoti zvakatarisana nemurume wavo maererano nekudzingwa paCheshire, zvinovaradza zvikuru.

VaSimba Sibanda havana kuremara uye vanobatsira pachena vagari vepa Cheshire. Vanoti vedare re Supreme Court vaifanira kuuya kuzoona mamiriro epa Cheshire nevagari vepo vasati vadzika mutongo wavo.

Vanomiririra vakaremara mudare re Senate, VaNyamayabo Mashavakure, vanoti zviri kuitika izvi zvinotyora kodzero dzevakaremara.

Asi sachigaro ve Cheshire trust, VaClemence Muzondo, vanoti bumbiro remitemo yepa Cheshire rinonyatsotsanangudza kuti nzvimbo iyi haisi yekugara munhu hupenyu hwese, asi kuti awane chete mukana wekuti awane hunyanzvi hwekuzviriritira opawo vamwe mukana.

Vanoti hachisi chinangwa chavo chekuti vagari vepaCheshire vashaye pekugara.

VaMuzondo vanoti zvematare edzimhosva zvikapera, vachaedza napose pavanogona napo kuti vakaremara vepa Cheshire vave nehupenyu hune pundutso vari mukati mevamwe vanhu vasina kuremara.

VaMuzondo vanoti vachabatsira vachabviswa paCheshire nekutanga zvirongwa zvekuzviritira nekuvatsvagira pekugara pakatambanuka.

XS
SM
MD
LG