Accessibility links

Breaking News

Vakaremara Vokurudzira Kushambadza Hunyanzvi Hwavo


Vakaremara vanofanirwa kutsvaga nzira dzekushambadza hunyanzvi hwavo kuitira kuti veruzhinji vazive kukosha kwavo munyaya dzebudiriro.

Kurudziro iyi inobva kuna VaShepherd Tembo, avo vanogara kuMarlborough muHarare.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaTembo, avo vane makore makumi mana nerimwe ekuberekwa, vakaremara makumbo ese. Vanofamba zvishoma nezvishoma vasingashandise madondoro, uye vane mudzimai nevana vatatu.

VaTembo vakagumira mugiredhi rechina kuchikoro vakazvidzidzisa hunyanzvi hwekugadzira pamikova zvinoyevedza, pamwe nekurima miriwo yakasiyana siyana yekutengesa.

Pari zvino VaTembo, avo vanoshandira mumwe muchena, vakaunganidza mari ndokutenga zvekushandisa zvakasiyana siyana zvekugadzirisa mikova nenzvimbo dzinotandarirwa .

Vanoti vane hurongwa hwekuti vabatane nevamwe vakaremara kuitira kuti vavambe kambani inozopinzawo mabasa vakaremara.

VaTembo vanoti vakapindwa nepfungwa yekutanga kambani iyi mushure mekuona kuti vakawanda vakaremara vari kushayiswa mikana yekusevenza pamakambani nekuda kwehurema hwavo. Vanoti ivo vakatombopindanawo nedambudziko iri vachitsvaga basa.

VaTembo vanoti vakaremara vanowana rukudzo neruremekedzo vakazviitira mabasa anovararamisa.

Vanoti gore rapera vakasvika pakudzamisa pfungwa vaona kutsvinyirwa kwavaiitwa pamwe nevamwe vavo vakaremara. Vakabva vatanga zvekunyora nziyo. Vane chikwata chavanoimba nacho kana uri musi weMugovera vasiri pamushando.

Mudzimai wavo, Amai Rimbisai Tembo, vanoti vanovimba kuti hurongwa hwemurume wavo hwekuvamba kambani huchabudirira kana hurumende ikavawanisa nzvimbo yakati kurei yekushandira vari.

Amai Tembo vanoti vakaremara vakazviriritira mune zvehupfumi zvinoita kuti vasarambe vachitarisirwa pasi neveruzhinji.

Vanosevenzerwa naVaTembo, VaGrant Clark, vanoti vakaremara vanofanira kukurudzirwa kwete kudzikisirwa pasi.

VaClarkworthy vanoti vanovimba kuti VaTembo vachabudirira muhurongwa hwavo hwekukurudzira vamwe vakaremara kuti vazvimirire.

Pastor Muchadenyika avo vanoita mabasa ekuzviriritira vari muHarare, vakaremara makumbo ese uye vanofamba nemadondoro. Vanoti pfungwa yaVa Tembo yekuburitsa hunyanzvi hwavo kuti vazobatsira vakaremara inopa manyawi.

Sachigaro vesangano remadzimai ane vana vanonoka kufunga, reChengaose, Amai Lucia Mambure, vanoti hurumende inofanira kushanda pamwe chete nevemakambani mukutsigira vakaremara vanenge vabuda pachena nehunyanzvi hwavo.

Nyika dziri musangano remubatanidzwa wenyika dzepasi rose, United Nations,dzakaita chisungo (when) chekutora matanho ekupa vakaremara mukana wekushandisa hunyanzvi hwavo zvizere pasina rusaruro. Zimbabwe imwe yenyika dzakatsigira chisungo ichi.

Asi mamiriro ezvinhu muZimbabwe anoratidza pachena kuti vakaremara havasi kuwaniswa mikana yavanoshuvira.

XS
SM
MD
LG