Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yosimbaradza Mitambo Muzvikoro Kutanga Gore Rinouya


Kutanga gore rinouya mwana wese wechikoro achenge achimanikidzwa kuita zvemitambo.

Kubva pavana vadiki vekireshi kusvika kuvakuru vanenge vari muForm 6, vose ava vachange vachimanikidzwa kuita zvemitambo izvo zvaiswa muhurongwa hwezvidzidzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Izvi zvataurwa nemutevedzeri wegurukora rezvedzidzo, VaPaul Mavhima, avo vati hapana mwana achabvumidzwa kusaita zvemitambo.

VaMavhima vanoti kunyange vanenge vari muForm 6, avo vane vamwe vanga vachikudza dzidzo yemabhuku kudarika mitambo, vachange vachimanikidzwa zvekare sezvo mitambo iri iyo yave kubhadhara kudarika mamwe mabasa ese.

VaMavhima vataura izvi pamabiko aitirwa chikwata cheZimbabwe Special Olympics icho chakauya nemenduru gumi nembiri apo chakanokwikwidza kumakwikwi eSpecial Olympics World Championships ayo akaitirwa kuLos Angeles kuAmerica mwedzi wapera.

VaMavhima vanoti kare kare vana vese vechikoro vaimanikidzwa kuita mutambo wekutwasanudza muviri wePhysical Education, asi izvi zvakamboregedzwa nenyaya yekushanduka kwehupenyu muZimbabwe.

Zvichakadai, vatambi weSpecial Olympics vanoti vakadzidza zvakawanda apo vakaenda kunokwikwidza kuAmerica mumitambo yegorofu nekumhanya.

Muzvare Elizabeth Moyo, uyo akadzoka nemenduru yebronze anoti akanakidzwa zvikuru achiti dai zvaidzokororwa anga achida kudzokera zvekare.

Munyaradzi Musariri, uyo akatora menduru yesirivha, anotiwo vechidiki vanofanira kuita zvemitambo kuitira kuti vaonewo nzvimbo dzinonakidza sezvaakaita iye.

Zimbabwe yakatumira vatambi gumi nevashanu kumakundano ayo akaunganidza vatambi zviuru zvitanhatu nemazana mashanu pamwe nenyika zana nemakumi mapfumbamwe neshanu.

XS
SM
MD
LG