Accessibility links

Breaking News

Hurumende Youdza Paramende Kuti Iri Kushushikanawo neMutongo Unorwadzisa Vashandi


VaMunyaradzi Gwisa (center)
VaMunyaradzi Gwisa (center)

Gurukota revashandi, Amai Priscah Mupfumira, vaudza dare reNational Assembly kuti hurumende iri kushushikanawo nemutongo wakapihwa nedare repamusoro soro neChishanu chapfuura wekuti makambani ane mvuno yekudzinga vashandi mushure mekupa chiziviso chemwedzi mutatu chete uye pasina zvinopiwa vashandi ava zvisinei kuti vashanda kwenguva yakarebasei.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Amai Mupfumira vataura mashoko aya vachipindura mibvunzo kubva kunhengo dzeparamende dzange dzichida kuziva kuti ndeapi matanho ari kutorwa nehurumende kuchengetedza vashandi sezvo makambani atanga kudzinga vashandi zvichitevera mutongo uyu.

Vatanga kubvunza ndiVaNelsom Chamisa vanomirira Kuwadzana East mudare iri avo vati hurumende iri kuitei nekudzingwa kwave kuita vashandi mabasa.

Amai Mupfumira vati hurumende iri kuzeya nyaya iyi nemasangano evashandi nevashandirwi pasi pesangano reTripatite Negotioating Forum uye gweta guru renyika, Attorney General, vari kuongorora mutongo uyu nechinangwa chekugadzirisa nyaya iyi kuti vashandi vasarambe vachidzingwa mabasa.

Vatiwo mutongo uyu wakaturwa apo hurumende yange iri mugwara rekusandura mitemo yevashandi kuti ifadze zvese mushandi nemushandirwi.

Apo Amai Mupfumira vange vari mudare reNational Assembly, rimwe sangano rinoona nezvevashandi reZimbabwe Labour Centre range richishora mutongo uyu uye rati unotora kodzero dzese dzeavashandi.

Sachigaro webhodhi resangano iri zvakare vari mudzidzisi wemutemo pachikoro cheUniversity yeZimbabwe, VaMunyaradzi Gwisai, vati hurumende yadzorera vashandi kumazuva ehotongi hwehudzvanyiriri.

Kunyange hazvo vamwe vashandi vange vachiti mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vanofanira kupindira, VaGwisai vakururudzira vashandi kuti vasimuke varwire kodzero dzavo vega.

Mutongo wamutsa mutaurao uyu wakaturwa neChishanu mushure mekunge vamwe vashandi vaviri veZuva Petroleum, VaDon Nyamande naVaKingstone Donga, vaenda kudare iri vachipikisa kudzingwa kwavo basa.

Kambani yeZuva Petroleum yaimirirwa mudare naAdvocate Innocent Chagonda naVa Thabani Mpofu, vachirairwa naVaChamisa.

Kubvira paturwa mutongo uyu pane vashandi vanodarika mazana manomwe vaonzi vadzingwa basa.

XS
SM
MD
LG