Accessibility links

Breaking News

VaMliswa Vanoti Hurungwe West Yaberekera Ingwe


Temba Mliswa
Temba Mliswa

Vari kukwikwidza vakazvimirira musarudzo ye by-election ku Hurungwe West, Va Themba Mliswa, vanoti havasi kuzodzokera kunzvimbo iyi kunotsvaga rutsigiro vachiti vanotyira kuti vangaurayise vanhu.

Vachitaura nevatori venhau mu Harare, Va Mliswa, avo vakange vari mumiriri weHurungwe West muparamende vasati vadzingwa mu Zanu PF, vati vane chivimbo chekuti vachakunda musarudzo iyi kunyange hazvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka pamabatirwo ari kuitwa sarudzo idzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:11:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Va Mliswa vati havasi kuzodzokera ku Hurungwe West kusvika sarudzo iyi yaitwa musi wa 10 Chikumi vachiti Zanu PF yatanga nyaya dzemhirizhonga pamwe nekutyisidzira vanhu kunzvimbo iyi.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri we Zanu PF, Va Simon Khaya Moyo, kuti tinzwe divi rebato ravo panyaya iyi.

Va Mliswa vaenderera mberi vachiti kunyange hazvo vasiri kuzodzokera kunotsvaga rutsigiro ku Hurungwe West, vanoziva kuti vachakunda musarudzo iyi sezvo vachiti vakashandira vagari venzvimbo iyi zvikuru.

Va Mliswa vatiwo mitemo yose ine chekuita nesarudzo inofanirwa kuvandudzwa sezviri kutaurwa neMDC-T nemamwe mapato anopikisa vachiti vazvionera pamhino sefodya kuti iyi inyaya yakakosha zvikuru.

Nekune rumwe rutivi, MDC-T inoti haisi kuzopinda musarudzo ichiti mitemo yose inobata sarudzo inofanirwa kuvandudzwa. Bato iri rinoti hapana chazvinobatsira kuti ripinde musarudzo iro richiziva kuti zvichabuda musarudzo idzi zvichange zvisingamirire zvido zvevanhu.

MDC-T inoti ichashanda zvakasimba kuti mitemo yese ine chekuita nesarudzo igadziriswe sarudzo dzemuna 2018 dzisati dzaitwa.

Mutungamiri wesangano re Youth Initiative for Democracy in Zimbabwe, kana kuti Yidez, Va Sidney Chisi, vanoti MDC-T haichafanira kungopeta mawoko yakamirira sarudzo dzemuna 2018.

Zvichakadai, bato re Zapu rinoti richiri pakati pekuzeya kuti ropinda here musarudzo dzema by-elections kana kuti kwete.

Mutevedzeri wemutungamiri webato iri, Amai Emilia Mukaratirwa, vanoti pave kuda kutorwa matanho akawomarara nemapato anopikisa kuitira kuti veruzhinji vasununguke munyika uye hupfumi hwenyika husimukire.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mukuru weMedia Centre, Va Earnest Mudzengi, vanotiwo Zanu PF iri kuda kupa chimiro chekuti MDC-T yaparara ndosaka bato iri riri kushanda zvakasimba kuti rikunde musarudzo idzi.

Sarudzo idzi dzichaitwa musi wa 10 Chikumi zvichitevera kudzingwa muparamende kwakiatwa nhengo dzeMDC Renewal Team mushure mekunge MDC-T yanyorera mutauriri weparamende pamwe nemutungamiri weseneti kuti nhengo dzeMDC Renewal Team dzakange dzisisamirire zvido zveMDC-T mumatare aya.

Kunyoreswa kwemazita evachakwikwidza zvigaro zvakasiyiwa neMDC Renewal Team kuri kuitwa neChina.

XS
SM
MD
LG