Accessibility links

Breaking News

Zvinhu Zvinobiwa kuHarare Magistrates Courts


Kudare redzimhosva mu Harare kwamuka kwakapwanya neChishanu kukawanikwawo magirinedhe pane rimwe bhanga mukati meguta iri.

Zvinonzi pamuka pakapwanywa pamatare amejasitiriti muHarare zvamboita kuti kutongwa kwenyaya kumbomiswa kwemaawa anokwana mana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mukuru wemamejasitiriti muHarare, VaMishorod Guvamombe, vaudza Studio7 kuti pane midziyo yemumatare yabiwa pakupwanywa kwaitwa pamatare apa.

Va Guvamombe vati vasvitsa nyaya iyi kumapurisa ayo ambovhara mikova yematare kwechinguva.

Kunyange Va Guvamombe vasina kutaura zvakawanda, vamwe vashandi vepamatare apa vasina kuda kutaurwa mazita avo pamhepo vaudza Studio7 kuti kubiwa kwaitwa zvinhu izvi kunogona kukonzera kuti dzimwe nyaya dzanga dziri mumatare dzitadze kutongwa zvakanaka kana kuenderera mberi.

Tichiri kumatare, mutongi wedare ramejasitiriti, Va Tendai Mahwe, vabvumidza Va Samson Nerwande nevamwe vatanhatu vanove nhengo dzeMDC-T vese kuti vabhadhare mari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa.

Hurumende iri kupomera Va Nerwande nevamwe vavo ava mhosva yekukonzera mhirizhonga pamuzinda weMDCT pa Harvest House pazororo remagamba mushure mekunge varwisana nemapurisa ekanzuru akaenda pamuzinda weMDC-T apa achiti pane munhu wavaitsvaga anotengesera mumigwagwa wavaida kusunga akatizira pamahaofisi eMDCT aya.

Asi vasungwa ava vari kuramba mhosva yavari kupomerwa.

Vasungwa ava vanzi vabhadhare madhora makumi mashanu pamunhu wega-wega uye kuti vasvitse mapasipoti avo kudare pamwe nekuti vazvipire kumapurisa neChishanu choga-choga.

Mune imwewo nyaya, zvinonzi pawanikwa magirinedhe maviri panze pebhanga re FBC riri panosangana migwagwa inoti Nelson Mandela na Julius Nyerere mangwanani eChishanu.

Zvichakadai magirienedhe aya abviswa asi mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, vati mapurisa achiri kuferefeta nyaya iyi.

XS
SM
MD
LG