Accessibility links

Breaking News

Ndiyani Acharuma Pasi Pakati paFloyd Mayweather naManny Pacquiao?


Vagari vemuZimbabwe vanoti havasi kurara kuitira kuti vaone mutambo wetsiva pakati paFloyd Mayweather naManny Pacquiao, uyo uri kuitirwa muMGM Grand muLas Vegas muAmerica manheru eMugovera muAmerica, asi muZimbabwe dzinenge dzava 3 dzemashambanzou eSvondo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Iyi ndiyo nyaya iri pamuromo pemunhu wese anotevera mitambo yetsiva munyika kusanganisirawo vasingafarire zvetsiva.

Vakawanda vanoti vari kumuka nguva dzemashambanzou kuitira kuti vaone mutambo uyu vari pamba kana mumabhawa umo vamwe varidzi vazvipira kuvhura kusvika mutambo uyu wapera.

Kunyange hazvo kune dzimwe nyika veruzhinji vasiri kutenderana kuti ari kukunda ndiyani, izvi zvakasiyana zvikuru nemuZimbabwe sezvo veruzhinji vari kuti Mayweather anokunda sezvo ari iye wavanonyanyoziva.

Mumwe mutori wenhau, Wallace Mawire, anoti anoona Mayweather ari pamusoro paPacquiao, kana achitarisa nhorrondo yekutamba kwevarume vaviri ava.

Muteveri wezvemutambo wekiriketi , Va Farirayi Musabayana, vanoti vari kuonawo Mayweather ari zvinhanho zvakati wandei pamberi paPacquiao.

Vanoti mutambo uyu hausi kupera nechimbi chimbi vachiti ivo mareberewo awo ndiwo maroverwo achaitwa Pacquiao sezvo anenge aneta.

Mutambo uyu hausi kutenderwa kubhejerwa muZimbabwe asi vazhinji vari kukandirana mari pachavo vachiratidzana masimba evavanofunga kuti ndiye achakunda.

Mawire anoti mari yake iri pana Mayweather uyo anozvishevedza kuti Money

Mumwe wechidiki, Misheck Musaruro, uyo ane makore gumi nemapfumbamwe ekuberekwa, anoti Pac-Man ari kudonhedza Mayweather mutambo uchibva wapera.

Mayweather, uyo ane makore makumi matatu nemasere ekuberekwa, anobva kuAmereka, ukuwo Pacquiao, uyo ane makore makumi matatu nematanhatu, anobva kuPhillipnes.

Vaviri ava vari kurwira mabhande matatu eWorld Boxing Council, World Boxing Association pamwe ne World Boxing Organisation.

Mayweather haasati amborohwa mumitambo makumi mana neminomwe panguva iyo Pacquiao akarohwa mitambo mishanu, nekuita mangange mumitambo miviri pamitambo makumi matanhatu nemina yaarwa kusvika pari zvino.

Mayweather ari kutarisirwa kuwana mari inodarika mazana matatu emamiriyoni emadhora, ukuwo Pacquiao achiwanawo zana nemakumi maviri emamiriyoni emadhora.

Mari iri mumutambo uyu inotyisa. Pakadai ndipo vana sorojena varere muhapwa dzemakomo vaisiti, kana zvadai, kunotsva demo kuchisara mupini, semaimbiro akaita Thomas Tafirenyika Mapfumo.

XS
SM
MD
LG