Accessibility links

Breaking News

Kushaikwa kweHutongo hweJechetere Korwadza Vakawanda


Zimbabwe Protest
Zimbabwe Protest

Veruzhinji vanoti havasi kufara nekushayikwa kwehutongi hwejekere munyika makore makumi matatu nemashanu nyika yawana kuzvitonga kuzere.

Veruzhinji vakaita saVa Kudakwashe Matibiri vanogara mumusha weHighfields muno mu Harare vanoti kubva muna 1980 nyika yawana kuzvitonga, Zimbabwe yakaita nhanho nhatu kuenda mberi ikafamba nhanho ina kudzokera kumashure panyaya dzehutongi hwejekerere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:10:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mumwe mugari wemuHarare, Amai Mavis Tshuma, avo vanogara mumusha weMbare, vanoti chiri kunyanya kuvarwadza kushaikwa kwemabasa munyika kuri kukonzerwa nekusamira zvakanaka munyaya dzezvematongerwo enyika zvavanoti zviri kukonzera kuti ivo nemhuri yavo vaomerwe nehupenyu.

Muzvare Sharon Chakacha, avo vanogara ku Hatcliffe, vanoti vanoshuvira kuti vanhu vakwanise kutaura nhuna dzavo vakasununguka.

Vanotiwo vari kurwadziwa zvikuru nekupambwa kwakaitwa mutungamiri we Occupy Africa Unity Square, Va Itai Dzamara, mwedzi wapera nevari kufungidzirwa kuti vasori.

Va Matibiri vanoti kuti zvinhu zvinake munyika, pave kuda kuti pavandudzwe mitemo inobata sarudzo munyika kuitira kuti zvose zvichabuda musarudzo zvigotambirika neveruzhinji pamwe nevekunze vanoda kuzosima mari yavo muZimbabwe.

Mutungamiri weMDCT, Va Morgan Tsvangirai, vanotsinhira zvakataurwa naVa Matibiri vachiti chinoda kuitwa munyika kuwona kuti sarudzo dzaitwa zviri pachena uye kodzero dzevanhu dzazadzikiswa.

Mutauriri wavo, Va Luke Tamborinyoka, vanoti chakakosha kutevedzera bumbiro remitemo yenyika.

Asi Va Edgar Gweshe avo vanogara kuChitungwiza vanoti chiri kunetsa munyika kunyukanyuka kuri kuita mapato anopikisa zvavanoti zvinopa Zanu PF mukana wekukunda musarudzo.

Vanotiwo kusawirirana kuri kuitika mu MDC kuri kupawo zvakare veruzhinji pfungwa yekuti MDC haisati yagadzirira zvakakwana kubvisa mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, nebato ravo re Zanu PF pachigaro.

Mutauriri we MDC Renewal Team, Va Jacob Mafume, vanoti panofanira kuita gungano remapato ese richatarisa zviri kunetsa munyika pamwe nekurwisana nehutongi hwe Zanu PF.

Asi mutevedzeri wemutungamiri webato re Zapu, Amai Emilia Mukaratirwa, vanoti pave kuda muyananisi kuti vemapato anopikisa vakwanise kubatana sezvo vachiti pane kusawirirana kwakakura kwazvo pakati pemato aya kuri kukonzerwa nenyaya dzekuti mamwe mapato anenge achikoshesa nyaya dzezvigaro.

Asi mtauriri weZanu PF, Va Simon Khaya Moyo, vanoti zvinhu zvichanaka munyika kuburikidza nechirongwa chehurumende chekuvandudza hupfumi che ZimAsset.

Va Khaya Moyo vanoti bato ravo richashanda zvakasimba kupedza nyaya dzehuori hwavanoti ndihwo huri kukunzera kusamira zvakanaka kwezvinhu munyika.

Panyaya dzezvematongerwo enyika, Va Khaya Moyo vanoti veruzhinji vanofanira kufara kuti vakawana kuzvitonga kuzere uye veruzhinji vave neminda yavakawana kubudikidza nehurongwa hweZanu PF.

Kunyange hazvo vezvematongerwo enyika vachikandirana makobvu nematete, veruzhinji vanoti havana kusununguka kwavaitarisira munguva yehondo, sezvo vanhu vakawanda vari kuramba vachiitwa kafira mberi munyika yakawana kuzvitonga makore makumi matatu nemashanu apfuura

XS
SM
MD
LG