Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vochema neZIFA Zvichitevera Kudzingwa kweZimbabwe mu 2018 World Cup


Mutungamiri weFIFA, VaSepp Blatter.
Mutungamiri weFIFA, VaSepp Blatter.

Vatsigiri venhabvu munyika vari kushushikana zvikuru nekudzingwa kwakaitwa Zimbabwe mumakundano epasi rose 2018 World Cup.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Danho rakatorwa neFIFA neChina riri kukatyamadza veruzhinji avo vaifunga kuti nyaya iyi yakapera kare vachipomera veZIFA mhosva yekuuraya mutambo wenhabvu.

Vaimbove Chief Executive Officer ve Premier Soccer League, VaChris Sambo, vanoti vakazviona kare kuti mafambiro emabasa eZifa aive nenjodzi mukati.

VaSambo vanoti kudzingwa kweZimbabwe kwakanganisa zvikuru ramangwana revechidiki avo vanga vachitarisirawo kutamba nedzimwe nyika mumakundano akakosha aya.

Mutungamiri weLifelong Footballers Trust, VaFrancis Zimunya Nyamutsamba, vanoti zvaitika izvi zvinonyadzisa zvikuru.

VaNyamutsamba vanowedzera ivo kuti kusatamba nedzimwe nyika kuchaita kuti Zimbabwe irambe ichidzikira zvikuru mumaWorld Rankings kudarika pazana nemakumi maviri nemana pairi apa.

Mumwe wevatsigiri venhabvu vari kurwadzikana zvikuru, VaPerfect Murimba, vanoti Zifa yatadza basa rayo zvekuti varimo vanofanira kusiya basa iko zvino.

Mumwe mutsigiri wenhabvu, VaWalter Chakazamba, vanotiwo hapana chimwe chikwata chavanotsigira kunze kwemaWarriors nokudaro kudzingwa kwacho idambudziko remoyo wayo.

Asi mukuru wekumahofisi eZimbabwe Olympic Committee, Muzvare Anna Mguni, vanoti nyaya iyi haigadziriswe nekudzinga vari muZIFA.

Muzvare Mguni vanoti zvave kune venhabvu, vemakambani pamwe nehurumende kuti vauye pamwe chete vaone kuti matambudziko ezvemari ari kusangana neZifa anogadziriswa sei.

Muzvare Mguni vanoti kunyange veZIFA varipo vakadzingwa basa, hapana chinoshanduka kunze kwekunge hurumende kana vemakambani vabatsira kubhadhara zvikwereti zviripo.

ZIFA ine zvikwere zvinodarika mamiriyoni manomwe emadhora.

FIFA yakadzinga Zimbabwe neChina mushure mekunge ZIFA yatadza kudhabhara murairidzi wekuBrazil, Valinhos, mari yake yemuhoro inoita iyo zviuru makumi matanhatu zvemadhora panguva iyo airaridza chikwata chenyika.

Valinhos, uyo airairidza maWarriors muna 2007, akaendesa nyaya yake kune veFIFA avo vakatanga vapa veZimbabwe Football Association mazuva makumi matatu ekuti vaunganidze mari iyi.

Izvi zvaramba, FIFA yakawedzera mazuva aya kusvika pamwedzi miviri ndokuzoti mwedzi mitatu, asi ZIFA yakatadza zvekare kuunganidza mari iyi.

Studio7 haina kunzwa divi reZIFA panyaya iyi.

XS
SM
MD
LG