Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoomerwa Sezvo Hupfumi Huri Kuparara


Apo vanhu vakawanda munyika vari kuyaura nhenhamo, zvinhu zviri kuramba zvichioma uye hurumende iri kuramba ichiomerwa zvekuti yave kutadza kuita basa rayo pamwe nekutadza kubhadhara shandi vayo.

Hurumende iyo inowana mari yekushandisa kubva kumitero yakasiyana siyana yakaita semutero unowanikwa pakutengeswa kwezvinhu, Value Added Tax, mitero yemakambani, Corporate Tax, pamwe neyavashandi kana kuti Paye As You Earn, inoti mari iri kuwanikwa nehurumende iri kuramba ichidzikira.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti hapana tariro yekuti zvinhu zvichanaka munguva pfuti inotevera.

Mumashoko avo emashandisirwo akaitwa mari nehurumende kusvika pakati pegore rino, gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakati mari inowanikwa pamitero iyi yakadzikira zvakanyanya.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaNyasha Muchichwa, vanoti mari iyi kusanganisira PAYE icharamba ichidzikira sezvo makambani ari kuramba achivhara vashandi vachidzingwa mabasa.

Nemamiriro akaita zvinhu munyaya dzehupfumi, hurumende inotarisirwa kunge yave kutadza kubhadhara vashandi vayo pakupera kwegore rino.

VaMasimba Manyanya, avo vakamboshanda mubazi rezvemari mumakore ekuma 1990s, vanoti izvi ndizvo zvinoitika kana hurumende ikatadza kuvandudza hupfumi munyika.

VaManyanya vanoti zvinhu zvinogona kusamira zvakanaka mukati menguva pfupi inotevera.

Vamwewo vanoongorora nyaya dzehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaJames Johwa, vanoti matanho mazhinji ari kutorwa nehurumende mukuedza kugadzirisa hupfumi haasi kushanda uye chave kudiwa kuti vari kutonga vabude pachena kuti vatadza kuitira kuti vanhu vemunyika nemapato nemasangano akasiyana siyana ashandire pamwe mukusimudzira hupfumi.

Pari zvino hurumende yakaremerwa zvekuti pane mashoko asina kutsinhirwa ekuti iri kutopona nekutora mari kubva kune mamwe makambani ayo kuti ikwanise kuita basa rayo.

Sachigaro wekambani ye Mbada Diamonds inove mubatanidzwa wehurumende neimwe kambani yekuSouth Africa, VaRobert Mhlanga, vakaudza paramende gore rapfuura kuti kambani yavo yakambosvika pane imwe nguva yekuti yaipa hurumende mamiriyoni makumi matatu emdhora pasvondo kuti ibhadhare vashandi vayo.

Asi VaManyanya vanoti kunyange hazvo hurumende yange ichitora mari kumakambani emangoda nemamwe, zvinhu zvave kuoma kwese uye ichasara isisina kwekuenda.

Pari zvino, hurumende iri kushandisa zvikamu makumi masere nezvitatu zvemari yese yebhajeti mukubhadhara vashandi izvi zvinoita kuti isare isina mari yekushandisa muzvipatara, zvikoro pamwe nemamwe mabasa.

Semuenzaniso gore rapfuura, bazi rezvemari rakapa zvipatara zvese munyika mamiriyoni makumi maviri nematatu emadhora yekushandisa gore rese asi zvipatara izvi zvaive nechikwereti chemamiriyoni makumi matatu nematanhatu emdhora zvinoreva kuti mari yese yakaenda kunobhadhara zvikwereti.

Makambani akawanda munyika kusanganisira ehurumende haasi kubhadhara mitero iyo inove nzira inowana hurumende nayo mari.

Nyanzvi munyaya dzehufpumi dzinoti hurumende inofanira kusimbisa kubhadharwa kwemitero kuti iwane mari yekushandisa.

Semuenzaniso gwaro raAuditor- General rinoti makambani ehurumende ange aine zvikwereti zvemutero zvemazana mashanu emamiriyoni emadhora gore rapfuura.

VaChinamasa vanoti vakapa simba rekutevera mari dzese dzemutero dzisina kubhadharwa uyevo vanoti hurumende ichabata mitero pane mari dzimwe dzinowanikwa nevashandi vemakambani neakazvimirira kuti mari dzekubatsirikana dzibatirwe mitero.

Asi VaMuchichwa vanoti hapana chinobuda nekuti vanhu havana chivimbo nemashandisirwo ari kuitwa mari nehurumende ndosaka kana makambani anokwanisa asiri kubhadhara mitero.

Kunze kwemitero, nyika inokwanisa kukwereta kana kuwana rubatsiro kubva kunyika kana masangano ekunze.

Asi VaManyanya vanoti izvi hazvikwanisike pari zvino nekuti hurumende iri kutadza kubhadhara zvikwereti zvayo uye hukama hwayo nenyika zhinji dzinopa rubatsiro dzakaita seAmerica neBritain hauna kumira zvakanaka.

Zimbabwe haisiwo kuwana rubatsiro kubva ku World Bank ne International Monetary Fund sezvo iri kukundikana kubhadhara zvikwereti zvayo zvinodarika mabhiriyoni gumi emadhora

Nyanzvi munyaya dzehupfumi pamwe nezvematongerwo enyika dzinoti kana hupfumi hwenyika hukadonha, zvinhu zvinogona kushata munyika zvinogona kukonzera kuti sarudzo dziitwe nguva yadzo isati yasvika muna 2018.

Zimbabwe National Statistics Agency inoti vanhu vanodarika makumi matanhatu munyika varombo uye zvikamu makumi manomwe kubva muzana zveavo vachiri pamabasa vanotambira mari iri pasi pemadhora mazana matatu nemakumi mashanu emadhora pamwedzi.

Kumatunhu akaita seMatabeleland North, kune hurombo hunotyisa zvekuti vanhu vanodarika makumi masere kubva muzana kunzvimbo iyi vari kuyaura nenhamo.

XS
SM
MD
LG