Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vanoti Hapana Chekupemberea Kuzvitonga Ivo Vasina Chikafu


A flea market in Maputo, Mozambique. Most Zimbabweans normally visit the country to buy goods for resale back home.
A flea market in Maputo, Mozambique. Most Zimbabweans normally visit the country to buy goods for resale back home.

Apo nyika iri kucherechedza neMugovera kusvitsa makore makumi matatu nemashanu yawana kuzvitonga, nyanzvi munyaya dzehupfumi pamwe neveruzhinji vanoti hapana chekupemberera sezvo vanhu vazhinj vari kutambura uye hupfumi hwenyika hwadzikira zvakanyanya kudarika zvahwaive huri muna 1980.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanzvi munyaya dzehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Instititute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti Zimbabwe yakawana zvayo kuzvitonga munyaya dzematongerwo enyika asi pane kutambura kukuru munyika sezvo hupfumi hwenyika hwadzikira uye kutambura kwanyanya zvikuru munyika.

Vanoti semuenzaniso hupfumi hwenyika hwange hwakasimba muna 1980 pane zvahwave nhasi.

VaChitambara vanoti kudzikira kwehupfumi kwakakonzerwa nemitemo yehurumende pamwe nemamwe matanho ayakatora akaita sekubhadhara vaimbove varwiri verusununguko izvo zvange zvisina kurongwa mubhajeti remuna 1997, kupindira muhondo yemuDemocratic Republic of Congo, pamwe nezvirongwa zvehupfumi zvakaita seEconomic Structural Adjustment Program icho chakaitwa muna1991 kusvika muna 1995.

VaChitambara vanoti zvese izvi nezvimwe zvirongwa zvehurumende zvakaita sekutorwa kweminda zvakasiya hupfumi hwenyika huchidonha izvo zvakakonzera kuvhara kwemakambani, nekurasikirwa kwebasa kwevanhu vakawanda.

Vanoti kunyange vashandi vashomanana vasara vari kuwana mihoro iri pasi peyaiwanikwa muna1979 Zimbabwe isati yawana kuzvitonga.

Mumwe mutapi wenhau anonyora nhau dzemabhizimisi akazvimirira, Tawanda Karombo, anoti hapana chekupemberera nekuti vanhu vave kutotambura kudarika zvavaive pasati pave nkuzvitonga kwevanhu vatema.

Imwewo nyanzvi munyaya dzehupfumi, VaJames Johwa, vanotiwo hapana chekupemberera sezvo zvinhu zviri kuramba zvichishata munyika.

Vanotiwo zviri pachena kuti kubvira muna 1980, kusvika pari zvino, hurumende iri kukoshesa zvematongerwo enyika isingasimudzire mabasa ehupfumi munyika.

Vechidiki vakawanda vanoti vari kushishikana chose kuti havasi kuona rubatsiro rwerusununguko sezvo vari kushaya mabasa kunyange hazvo vakaenda kuchikoro.

Mumwe wevechidiki ava ndiVaDenford Ngadziore, munyori wevechidiki mudunhu reHarare mubato reMDC inotungamiririrwa naVaMorgan Tsvangirai.

Vanoti vanoda chose kushanda vachisimudzira nyika asi vari kushaya mukana nekuti hakuna mabasa.

Muzvare Natalie Nyakanyanga, avo vanogara mumusha Braeside muHarare, vanotiwo havana chikonzero chekupemembera sezvo vasina mabasa uye vari kutonetseka nehupenyu.

Nyanzvi dzinoti kunyange hazvo hurumende yakaedza napose painoga napo kugadzirisa zvinhu munyaya dzedzidzo nehutano mumakore gumi ekutanga nyika yawana kuzvitonga, haina zvayakaita kugadzirisa nyaya dzehupfumi.

Maindasitiri, mabhanga, nemakambani ari kuvhara zvekutoti vanhu vazhinji munyika vave kuzvishandira. Sangano revashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, rinoti vanhu vasina mabasa vasvika pazvikamu zvinodarika makumi masere kubva muzana.

Mamwe makambani mahombe aive nezviuru nezviuru zvevashandi anosanganisira Shabanie and Mashaba Mines, Ziscosteel, Mhangura Mines nemamwe akawanda.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika zvekuti nyika yakatomira kushandisa dhora remuno muna 2009 mushure mekunge rarambwa neveruzhinji nekuda kwekushaya simba zvakanyanyisa.

VaJohwa vanoti chinodiwa kugadzirisa hupfumi kuita sarudzo dzakajeka, posarudzwa hurumende inoisa zvirongwa zvekukwezva vemabhizimisi vekunze kuti vazodyara mari dzavo munyika.

Zimbabwe inocherechedza neMugovera makore makumi matatu nemashanu yawana kuzvitonga.

Asi veruzhinji vanoti zvinhu zviri kunetsa munyika zvekuti kana hurumende chaiyo iri kunetseka kubhadhara vashandi vayo uye yakatozivisa kuti haichakwanisa kubhadhara mari dzemabhonasi kutanga gore rino.

XS
SM
MD
LG