Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi …Chishanu, Mbudzi, 13, 2015


Ini ndini Marvellous Mhlanga Nyahuye ndichiti heinoi misoro yenhau dzanhasi …Chishanu, Mbudzi, 13, 2015

Kurwira masimba muZanu PF koramba kuchienderera mberi pamberi pemusangano wepagore webato iri uchaitwa mwedzi unouya.

Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoparurazve bepanhau raro re The Changing Times richiti raita izvi sezvo risiri kuwana mukana wekutaura nhunha dzaro mumapepa ehurumende.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti veruzhinji vanofanirwa kutambira kuti mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, ndivo mukokeri pari zvino wezvinoitwa zvese mubato nemuhurumende kunyange hazvo vasiri muhurumende

Muchirongwa cheLiveTalk tiri kutarisa hutsinye huri kuitwa nemapurisa ari kuzvindikita pamwe nekusunga vanhu vanenge vachiratidzira murunyararo

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 13860, ne 15460 Kilohertzs pa Shortwave kana paFacebook page yedu yevoa Shona.

Misoro Yenhau Dzanhasi …Chishanu, Mbudzi, 13, 2015
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG