WASHINGTON —
Vatambi vechikwata chema Warriors vovimbiswa zviuru gumi zvemadhora pamutambo wega wega wavachakunda mumakwikwi emu Group D e Chan 2016 kuRwanda.
Chizvarwa cheZimbabwe choshandisa mabhazi nemichovha kuenda kuguta reGisenyi, kuRwanda kunotsigira Zimbabwe Warriors kumakwikwi e Chan 2016.
Vakawanda votadza kutenga zvinhu muzvitoro nepamusama pekushaya mari.
Vagari vekwaMutare vokurudzira kuti vakuru vakuru mukanzuru yeguta ravo vari kuita zvehuori vadzingwe basa.
Muchirongwa cheLiveTalk nhasi na 8:30pm, tiri kutarisa kuomerwa kuri kuita veruzhinji nehupenyu sezvo vasina mari.
Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 13860 ne 15460 kilohertzs pa shortwave kana paFacebook page yedu yeVOAShona.