Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi…Chishanu, Zvita, 04, 2015.


Ini ndini Marvellous Mhlanga-Nyahuye ndichiti heinoi misoro yenhau dzanhasi…Chishanu, Zvita, 04, 2015.

Vatambi venhabvu vakatamba zvinonwisa mvura gore rino vosarudzwa pamakwikwi e Soccer Star of the Year nhasi manheru….

Makanzura eZifa makumi mashanu nemasere osarudza mutungamiri mutsva we Zifa mangwana….

Sachigaro webazi revanhukadzi mu MDC-T, Amai Lynette Kairenyi Kore, vokurudzira hurumende kuti idzike mitemo yakasimba inoita kuti mudzimba musaite mhirizhonga yakananga madzimai nevanasikana….

Mapurisa epaChisumbanje anosunga vagari vemunzvimbo iyi vachiti vanhu ava vakapwanya midziyo ye Green Fuel kuChisumbanje kwakare….

Zimbabwe Electoral Commission inoita musangano wekuzeya nyaya dzesarudzo asi bato reZanu PF rinokundikana kupinda mumusangano uyu….

Muchirongwa cheLiveTalk na 8:30pm tiri kutarisa vasarudzwa kuva ma Soccer Star of the Year pamwe nesarudzo yemutungamiri mutsva weZifa ichaitwa mangwana….

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 13860, ne 15460 Kilohertzs pa Shortwave kana paFacebook page yedu yeVOAShona.

Misoro Yenhau Dzanhasi…Chishanu, Zvita, 04, 2015.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG