Accessibility links

Breaking News

Zvikwangwari Zvakaiswa neZanu PF Zvinobviswa muHarare


Zvikwangwari zvemazita emigwagwa zvakaiswa nebato reZanu PF muHarare gore rapera munguva yemusangano waro mukuru wekongiresi, zvakanyorwa kuti Doctor Grace Mugabe Way, Congress Road pamwe neGutsaruzhinji Walk, zvinonzi zvakabviswa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Bepanhau reZimbabwe Independent rinoti rakashanyira nzvimbo iyi neChina rikaona kuti zvikwangwari zvaive nemazita emigwagwa aya akanga abviswa.

Asi mutevedzeri wameya weguta reHarare, kanzura Thomas Muzuva, vanoti kanzuru yavo hainawo ruzivo rwekuti ndiyani akabvisa mazita emigwagwa iyi, kunyange hazvo yanga ichipikisa kuiswa kwezvikwangwari izvi nebato reZanu PF zvisiri pamutemo.

Gore rapera, meya weHarare, VaBernard Manyenyeni, vanonzi vakanyorera kugurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaIgnatius Chombo, vachida kuti mazita aya abviswe sezvo akaiswa zviri kunze kwemitemo yemakanzuru.

Kanzura Muzuva vanoti pasi pemutemo wekanzuru yeHarare, hapana mugwagwa unopiwa zita remunhu mupenyu kunze chete kwemutungamiri wenyika.

Studio7 yakundikana kubata mutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, kanawo mutewedzeri wemukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaPsychology Maziwisa, kunyange hazvo nhare yavo yanga ichirira.

XS
SM
MD
LG