Accessibility links

Breaking News

ZCTU Yochema naVaChinamasa


Zimbabwe's Justice Minster Patrick Chinamasa moves a motion in parliament to pass a constitutional amendment bill, Harare (February 2010 file photo)
Zimbabwe's Justice Minster Patrick Chinamasa moves a motion in parliament to pass a constitutional amendment bill, Harare (February 2010 file photo)

Sangano rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti rinopokana nepfungwa yekuda kuvandudza mitemo ine chekuita nezvemabasa pamwe nekushanda kwevanhu kuitira kuti makambani agokwanisa kugumura vashandi zviri nyore pasina zvimhingamupinyi zvakawanda.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri weZCTU, VaGeorge Nkiwane, vati chinhu chinorwadza zvikuru kuti hurumende ine hurongwa hwekuti ivandudze mutemo wemabasa kunyanya une chekuita nekupinda nekubuda kwevanhu mabasa.

VaNkiwane vanoti kuita izvi kunosiya vashandi vanenge vabuda mabasa vari munhamo panguva iyo vashandi vagara vakatoomerwa nehupenyu.

VaNkiwane vange vachipa pfungwa dzavo mushure mekunge gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, munguva pfupi yapfuura vakati hurumende ine hurongwa hwekuda kugumura vamwe vashandi vehurumende, uye inodawo kuvandudza mitemo yemabasa kuti vemaindasitiri nemakambani vagokwanisa kugumura vashandi pasina zvimhingamupinyi zvakawanda.

VaNkiwane vadzokorodza maonero esangano ravo ekuti hurumende haifanirwe kuita zanondoga pakuvandudza mitemo yemabasa, vakatiwo pane kuti ifunge zvekuvandzudza mitemo yemabasa, hurumende ingadai iri mushishi rekutsvaga mazano ekuti yoita sei kuti imutsurudze makambani kuti vanhu vawane mabasa.

Vashandirwi vanowanzochema-chema nerekuti mitemo yemabasa iripo pari zvino inoita kuti vaomerwe nemashandiro avo vachiti yakarerekera divi revashandi.

Nekuda kwekusamira kwakanaka kwezvehupfumi vashandi vakawanda vari kugumurwa pamabasa vasina kana peni ravanowana zvisinei kuti vakawanda vavo vanenge vashandira makambani aya kwemakore akawanda.

VaNkiwane vati zvinogona kudhurira hurumende kuti vashandi vangoburitswa mabasa nyore vasingapiwe mari dzepenjeni sezvo vati hurumende inenge ichifanirwa kuve nehomwe yemari inenge iri parutivi yekuzochengeta vashandi ava muhurovha.

Panyaya yekugumurwa kwevashandi vehurumende, VaNkiwane vati sangano ravo rakagara richitaurira hurumende kuti vashandi vayo vakawandisa vakaenderera mberi vachiti kune vamwe vanhu vanohoreswa kubva muhomwe yehurumende asi ivo vasina basa ravanenge vachiita.

Mune imwewo nyaya, muchuchisi wedare mudunhu reMidlands, VaBrian Muzemba, vati nyaya yakatarisana naVaAlbert Chirau vanove kanzura weWard 11 muGweru inogona kuzoenderera mberi kana vadeedzwa kudare redzimhosva nemasamanisi sezvo vati mapurisa haana kunyatsoburitsa mhosva ingaite kuti VaChirau vamiswe pamberi pedare.

Gweta raVaChirau, VaBrian Dube, vatsinhira kuStudio 7 kuti VaChirau, avo vanove nhengo yeMDC-T, vanzi vaende kumba vasina kumiswa pamberi pedare sezvo muchuchisi ati humbowo hwemapurisa hauzi kuburitsa mhosva yavanonzi vakapara.

VaChirau vakasungwa nemusi weChishanu vachipomerwa mhosva yehuwori vachinzi vaitora mari yemitero inobhadharwa nevanoshandisa mimwe misika iri muWard mavo vasingaendesi mari iyi kukanzuru.

VaChirau vakazoburitswa muhusungwa nemusi weMugovera. Pavakaenda kumatare edzimhosva nemusi weMuvhuro vakanzi vadzoke neChitatu apo vazosvikoudzwa kuti nyaya yavo ichazoenderera mberi nenzira yekudeedzwa nemasamanisi.

XS
SM
MD
LG