Accessibility links

Breaking News

Makanzura Maviri Anosungwa muGweru


Gweru
Gweru

Makanzura maviri eguta reGweru atorwa nemapurisa ebazi reCriminal Investigation Department neChishanu masikati achipomerwa mhosva dzakasiyana.

Vaviri ava vachiri mumaoko emapurisa vachibvunzurudzwa.

Kanzura we Ward 11 muGweru, VaAlbert Chirau, vatorwa kubva pamahofisi ekanzuru nemapurisa eCriminal Investigation Department epaGweru Gweru Central Police Station apo vasvikochengetedzwa masikati eChishanu.

Pavabvunzwa nezvenyaya iyi neStudio7 parunhare, meya weguta reGweru, VaHamutendi Kombayi, vabvuma kuti vange vanzwa nezvekusungwa kwaVaChirau avo vanove nhengo yebato reMDC-T pamwe chete naivo VaKombayi.

Kunyange hazvo VaKombayi varamba kutaura kuti kusungwa kwaVaChirau kune chekuita nebasa ravo rehukanzura here kana kuti kwete, vati vanoziva kuti munguva pfupi yapfuura mapurisa akabvunzurudza vamwe vagari vekuWard 11 kwaVaChirau nezvemashandiro avo sakanzura.

Asi VaKombayi vati ivo nevamwe vavo vemukanzuru havana nyaya yavakamboendesa kumapurisa vachikumbira kuti VaChirau vaferefetwe.

Kunyange hazvo Studio7 isina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi, vanoziva zviri kuitika vataurira Studio7 kuti kusungwa kwaVaChirau kune chekuita nenyaya yavari kunenedzerwa yekuti vange vachitora mitero inobhadharwa nevanoshandisa mimwe misika iri muWard mavo vasingaendesi mari iyi kukanzuru.

Studio 7 yaedza kunzwa zvizere kubva kuna VaChirau asi patataura navo parunhare vange vachiri mumaoko emapurisa vakati hapana zvakawanda zvavange vachikwanisa kutaura.

Mumwezve kanzura weguta reGweru asungwa ndiVaKenneth Sithole, vanove kanzura weWard 4. Zvinonzi vasungwa nemapurisa mushure mekunge vanzi varova mumwe mushandi wekanzuru.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuna VaSithole avo vanovewo nhengo yeMDC-T kuti vasungirweyi. Asi vane ruzivo nezvaitika vanoti VaSithole vasungwa mushure mekunge varova mumwe mushandi, anovewo nhengo yeMDC-T uyo azonomhang'ara kumapurisa.

Kusvika panguva yekuenda pamhepo VaChirau naVaSithole vange vachiri muhusungwa.

MDC-T ndiyo ine makanzura akawanda mukanzuru yeGweru. Pamawadhi gumi nemasere ari muGweru, bato reMDC-T rine makanzura gumi nemashanu.

XS
SM
MD
LG