Accessibility links

Breaking News

Dynamos Yotungamira muPremier Soccer League


Dynamos
Dynamos

Chikwata chine mukombe weCastle Lager Premier Soccer, che Dynamos, chave pamusoro soro pamakundano aya zvichitevera kukunda kwachakaita mukupera kwesvondo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Dynamos yave kutungamira makundano aya mushure mekurova Chapungu 1-0 kunze kwemusha kuAscot Stadium mukupera kwesvondo.

Chibodzwa chakanwiswa naRonald Chitiyo muchikamu chekutanga chemutambo uyu chakapa Dynamos mapoinzi matatu ndokusiya Dembare iine mapoinzi matanhantu mumitambo miviri.

Dynamos yave pamusoro pemakundano aya ichiteverwa ne Caps United iyo ine mapoinzi matanhatu zvekare.

Asi Dynamos iri pamusoro nemhaka yekunwisa zvibodzwa zvakawanda sezvo yave nezvibodzwa zvina iyo isina kunwiswa.

Caps United, iyo yakarova FC Platinum 1-0 neSvondo, ine zvibodzwa zvitatu asi yakanwiswa chimwe chete.

Nhandare yeAscot yaive yakaza kuti tashu zvekuti Chitiyo ari kufara zvikuru mushure mekubatsira chikwata chake kuti chikunde pamberi pemhomho yakawanda kudai.

Asi Chitiyo anoti hazvifanire kugumira ipapa sezvo chikwata chake chichifanirwa kuramba chichikunda mumitambo inotevera.

Dynamos yatarisana nemutambo usina kunyanyooma apo iri kusangana nechikwata cheDongo Sawmills neChishanu muNational Sports Stadium.

Chikwata chainge chiri pamusoro soro mushure memitambo yekutanga cheTriangle chakaita mangange 1-1 neBuffaloes kuVhengere Stadium.

Izvi zvasiya chikwata ichi chadzikira mumamiriro ezvikwata sezvo chave pachinhanho chechitatu.

Asi zvinhu hazvina kufamba zvakanaka kuchikwata cheTsholotsho icho chakadamburwa 1-0 neHighlanders mushure mekurwisa zvinotyisa.

Chikwata chichangopinda muPremier Soccer League ichi chakabatana mukudyiwa pamwe chete neDongo Sawmills iyo yakarohwa zvekare 1-0 neHow Mine kuVhengere Stadium.

Kunyange hazvo zvikwata zvitsva izvi zvakarohwa, zvakarwisa zvakasimba zvekuti mamiriro akapedzisira akaita mitambo haaratidze matambiro akaita zvikwata izvi.

Muongorori wezvemitambo, VaTichaona Nyarugwe, vanoti zvikwata zvitsva izvi hazvifanirwe kudhererwa.

Chikwata cheZPC Kariba, icho chakapedza chiri pachinhanho chechipiri gore rapera, chiri kuratidza kuti chichirimo muhondo yekutora mukombe uyu gore rino mushure mekuita mangange 3-3 neHwange kuColliery.

Chakanyanyofadza vatsigiri vechikwata ichi ndechekuti Katuruturu kanga kakarohwa 3-1 ndokukwanisa kudzosera kusvika pakuita mangange.

ZPC Kariba iri pachinzvimbo chechina nemapoinzi mana yakaenzana neHow Mine.

Vamwe vatsigiri venhabvu vari kufadzwa nechikwata chavo, vateveri veHarare City iyo yakakwanisa kukunda 2-0 apo yakarova vaishanya veChicken Inn.

Hondo yezvikwata zviri pasi peZimbabwe Prison Services yakaramba kupera mushure mekunge chikwata cheFlame Lilly necheHwahwa Prison zvakaita mangange 1-1 muGwznura Stadium.

Zvikwata izvi zvave nepoindi imwe chete mumitambo miviri zvichiratidza kuti vane basa guru kuti vakwanise kukwikwidza zvine mutsindo mumakundano aya.

Zvamira zvakadai, mumitambo yekiriketi, Australia yakatora mukombe we2015 World Cup yemutambo wekiriket mushure mekurova muvakidzani wayo, New Zealand nemawiketsi manomwe.

Vatsigiri vekiriketi muZimbabwe vava kutarisira kuti pachauya makundano aya zvekare mumakore mana anotevera, Zimbabwe ichange yasimba zvekukwanisa kukwikwidza zvine mutsindo.

XS
SM
MD
LG