Accessibility links

Breaking News

Vabereki Voratidzira Kusafarira Hurongwa hweKubhadharira Bvunzo dze Grade 7


lazerus dokora
lazerus dokora

Mazana nemazana evana vechikoro pamwe nevaberki vavo vapinda mumigwagwa neChina vachinyunyuta nedanho riri kuda kutorwa nehurumende rekuda kubhadharisa mari yebvunzo paGrade 7 pamwe nekuwedzera mari yebvunzo dzeOrdinary Level.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vabereki nevana ava, avo vabva munzvimo zhinji muHarare, vanoti havakwanisa kubhadhara mari iri kudiwa nehurumende sezvo vakatoomerwa nehupenyu uye vachitotadza kubvisa kana mari yechikoro chaiyo.

Bvunzo dze O Level dziri kukwidzwa kubva pamadhora gumi nematatu pa subject rimwe kusvika pamadhora gumi nemashanu kutanga gore rino

Mumwe wevabereki ava, Amai Esnath Lindani, avo vanogara mumusha weMufakose, vati vari kuratidzira kuitira kuti hurumende izvizive kuti havana mari uye zvinhu zvakawoma.

Mumwe mubereki anogara mumusha weRugare, Amai Tambudzai Kala, vanoti hurongwa hwebazi redzidzo yezvikoro zvepasi hunovashamisa uye havazive kuti hurumendee inofunga kuti vanowanepi mari yacho kana makambani chaiwo ari kutadza kubhadhara vashandi kwemwedzi yakawanda.

Mumwewo mudzidzi wekune chimwe chikoro chiri mumusha weZengeza kuChitungwiza aramba kudomwa nezita audza anoti anotsigira chirongwa chekuti bvunzo dzeGrade 7 dziitwe pachena.

Mumwe wevabereki ava, VaAdmire Munava, vakurudzira kuti hurumende isiyane nehurongwa hwebvisisa mari vana vanoda kunyora bvunzo dzeGrade 7. Vanotiwo hurumende haifanirwe kuwedzera mari yebvunzo dze O level.

Mukuru wesangano reZimRights, iro range richitungamira kuratidzira uku, VaOkay Machisa, vanoti vacharamba vachiratidzra mumatunhu ese kuitira kuti huremende isaenderere mberi nehurongwa uhwu.

Kana gurukota rezvedzidzo yezvikoro zvepasi, VaLazarus Dokora, vakabudirira panyaya iyi, zvinoreva kuti vana veGrade7 vachange vobvisa madhora matatu pa subject imwe chete, uye mari yebvunzo dze O Level ichakwidza nemadhora maviri pa subject rega rega.

Kubvira pavakatanga kutaura nezvehurongwa uhwu, VaDokora vari kushorwa nemhunu wese munyika kusanganisira nyanzvi munyaya dzedzidzo, nhengo dzeparamende, vabereki pamwe nevana vechikoro.

VaDokora varamba kutaura nesu pamusoro penyaya iyi vachiti taifanira kutaura nemutauriri webazi ravo uyo ange akadzima mbozhanhare yake.

VaMachisa vati vanyorerawo kuparamende nekomisheni inoona nezvekodzero dzevanhu vachitsutsuma nenyaya iyi.

XS
SM
MD
LG