Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzinoti Hadzione VaMugabe Vachigadzirisa Hupfumi hweNyika


Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi pamwe nezvematongerwo enyika dzinoti zvinhu zvinogona kuita manyama amire nerongo munyika kana hurumende ikasagadzirisa zviri kunetsa munyaya dzezvepfumi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:13:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kusamira zvakanaka kwehupfumi kwakonzera kugeda-geda kwemeno munyika yose zvingangokonzera kuti munyika musagadzikane.

Munyori mukuru musangano rinomirira vashandi re Zimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, Va Japhet Moyo, vanoti kubva pakaitwa sarudzo dzemuna 2013 idzo dzinonzi ne MDC dzakabirirwa zvemhando yepamusorosoro nemutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, nebato ravo re Zanu PF, pave nemakambani anodarika zviuru zvina akavharwa nepamusana pekusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezvehupfumi.

ZCTU inoti pave nevanhu vanodarika zviuru makumi maviri vadzingwa mabasa zvichitevera mutongo we Supreme Court mwedzi wapera.

Va Moyo vanoti chiri kunetsa ndechekuti vekunze vane mari havasi kuda kuzosima mari yavo muZimbabwe nepamusana pekuti havasi kuvimba naVa Mugabe nehurumende yavo

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi inotaura yakazvimirira,Va Masimba Manyanya, avo vaimboshanda mubazi rezvemari vachiona nezvehupfumi hwenyika, vanoti kusamira zvakanaka kwakaita zvinhu munyaya dzezvehupfumi kwavakupa kuti veruzhinji vadye nhoko dzezvironda.

Mutungamiri we MDCT, Va Morgan Tsvangirai, avo vaimbova mutungamiri wehurumende panguva yehurumende yemubatanidzwa, vanoti chinonyakonzera kuti zvinhu zvisamire zvakanaka munyika ndechekuti Va Mugabe havana nguva yekuita zvavanofanira kuti vange vachiita vachiti mutungamiri wenyika ari kupedza nguva yakawanda achiita zvinhu zvekuda kuchengetedza masimba avo chete asi veruzhinji vachinhonga svosve nemuromo.

Va Tsvangirai vanoti chinofanirwa kuitwa kuti hupfumi hwenyika husimukire isarudzo itsva dziri pachena dzinoitwa mushure mekuvandudzwa kwemitemo yose ine chekuita nesarudzo.

Zvichakadai, Va Manyanya vanoti chinoda kuitwa kutsvaga mari yakawanda inouya kubva kumasangano ekunze anokweretesa mari akaita se International Monetary Fund, kana kuti IMF, pamwe ne World Bank, ichashandiswa mukusimudzirwa kwenyaya dzemabasa, kuvhurwa kwema indasitiri nezvimwe zvakadaro zvinoita kuti nyika isimukire.

Asi Va Manyanya vanoti chinonyanyonetsa ndechekuti hurumende haisi kubhadhara zvikwereti zvayo kumasangano aya zvinoita kuti masangano aya awomere kuburitsa mari iyi.

Vanotiwo kusamira zvakanaka kwezvinhu munyika kunogona kukonzera kusagadzikana munyaya dzezvematongerwo enyika.

Dzimwe nyika dzakaita seGreece, Spain, Portugal ne Italy, dzakabatsirwa ne Eurozone mukusimudzira hupfumi hwadzo asi Va Manyanya vanoti izvi zvinotoda kuti hurumende yemuno inge ichidyidzana zvakanaka nenyika dzekunze.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vachishanda nesangano re Buy Zimbabwe, Va Kipson Gundani, vanoti hurumende inofanira kutsvaga nzira dzekugadzirisa zviri kunetsa munyaya dzehupfumi kuitira veruzhinji pamwe nevanoda kusima mari yavo munyika vave nechivimbo chekuti vakaisa mari yavo munyika haitsikirirwe neriva sezvo vachiti huori hwatekeshera munyika.

Va Mugabe vanogara vakatsoropodza nyaya dzehuori kunyange hazvo pane pane vanhu vashoma vanosungwa nenyaya dzehuori.

Kudzamara hurumende yawona zvaiingaite nekusamira zvakanaka kwakaita hupfumi hwenyika, veruzhinji vacharamba vachitambudzika zvinozoita kuti ramangwana revanhu vazhinji ringe risina kujeka.

Asi vamwe vanoti hapana chekutarisira kuhurumende yaVaMugabe, iyo vanoti yapedza makore makumi matatu nemashanu ichiuraya hupfumi hwenyika, pane kuhugadzirisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:13:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG