Accessibility links

Breaking News

Machechi neMasangano Vonamatira Runyararo muSouth Africa


Anti xenophobia prayers
Anti xenophobia prayers

Vedzisvondo pamwe nevemasangano anoshanda akazvimirira nhasi vaita munamato wekunamatira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuSouth Africa zviri pakati kushungurudzwa nevagari venyika iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanhu vanodarika mazana mashanu vanosanganira machechi akasiyana-siyana pamwe nevemasangano anoshanda akazvimirira vaungana neChitatu paTrinity Methodist Church mu Harare pavaita munamato wekunamatira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuSouth Africa uko kuri kudzingwa zvizvarwa zvedzimwe nyika nezvizvarwa zvenyika iyi.

Vachitaura pamunamato uyu, mutungamiri weZimbabwe Council Churches, Va Ishmael Mukwanda, vati zviri kuitika kuSouth Africa zvinhu zviri kurwadza vedzisvondo zvikuru.

Vataura vakamirira masangano anoshanda akazvimirira uye vachishanda nesangano re Zimbabwe Students Christian Movement, Va Douglas Mudereki, vati chiri kuvarwadza ndechekuti pane zviuru nezviuru zvezvizvarwa zveZimbabwe zviri muzvikoro zvekuSouth Africa zvichatadziswa nebongozozo riri kuitwa nezvizvarwa zveSouth Africa.

Vati kutumira masoja nemapurisa kunzvimbo dziri kuitwa bongozozo kuri kuitwa nehurumende ye South Africa hakuna zvakunobatsira kana hurumende yaVa Jacob Zuma isina kutsvaga nzira dzekupedza nyaya yekurwiswa kwezvizvarwa zvedzimwe nyika mu South Africa.

Vanhuvazhinji vanonzi vakakuvara vamwe vakafa mumhirizhonga iri kukonzerwa nezvizvarwa zveSouth Africa izvo zviri kuti vanobva kune dzimwe nyika vanofanira kubuda munyika mavo vachivapomera mhosva yekuvapedzera mabasa.

Zvichakadai, hurumende yakatumira mabhazi pamuganhu weSouth Africa ne Zimbabwe ku Beitbridge kunotuta zvizvarwa zveZimbabwe zvakatiza kushungurudzwa uku uko kuri kudaidzwa kuti xenophobia.

Va Mudereki vakurudzirawo kuti vedzisvondo vabatsire vanhu ava pamweya pamwe nekutaura navo kuti pfungwa dzavo dzigadzikane zvichitevera mhirizhonga yavakasangana nayo ku South Africa.

Zvichakadai, mutungamiri we Evangelical Fellowship of Zimbabwe, Va Shingi Munyeza, vakurudzira mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, nehurumende yavo kuti igadzirise kusamira zvakanaka kwakaita hupfumi munyika nechimbichimbi vachiti ndizvo zviri kukonzera kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvibatwe senhapwa kune dzimwe dzakaita seSouth Africa.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvizhinji zvakatizira kuSouth Africa pakatanga kuita zvinhu manyama amire nerongo munyika zvichinotsvaga maufuro manyoro.

Gurukota rezvemari, Va Patrick Chinamasa, vaudza Studio7 parunhare kuti hurumende yeZimbabwe iri kuedza nepose painogona napo kuti ivandudze hupfumi hwenyika kuburikidza nechirongwa chayo chekuvandudza che Zimbabwe Agenda for Sustainable Socio-Economic Transformation kana kuti Zimasset.

Va Munyeza vakurudzirawo Va Mugabe avo vanove sachigaro wesangano remubatanidzwa wenyika dziri kuchamhembe kweAfrica, SADC, pamwe chete ne African Union, kuti vashandise zvigaro zvavo izvi kupedza matambudziko ari mu Africa kuitira kuti nyika dziri muAfrica dzive nerunyararo pamwe nehupfumi hwakasimba.

Kunyange hazvo Va Munyeza vaita kurudziro iyi, Va Mugabe vakabuda munyika vachienda ku Indonesia kwavari kupinda musangano we Non Aligned Movement pamwe newe Asia Africa Summit izvo zvakashorwa neveruzhinji pamwe nedzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika avo vanoti Va Mugabe vaifanira kuenda ku South Africa kuti vanobatsirana naVa Zuma kupedza nyaya yemhirizhonga iyi.

Nekune rumwe rutivi, Va Zuma havana kuenda kumisangano iyi vachiti vari kuda kuedza kugadzirisa nyaya ye xenophobia kunyange hazvo mutungamiri werimwe remapato anopikisa mu South Africa, re Economic Freedom Fighters, Va Julius Malema, vari kupomera Va Zuma mhosva yekukonzera xenophobia mu South Africa.

Va Malema vanoti Va Zuma munhu anoda zvemhirizhonga saka nokudaro vane ruwoko munyaya ye xenophobia iri kuitika mu South Africa mazuvano.

Va Zuma havasati vapindura zvakataurwa naVa Malema muparamende ye South Africa izvi uye hatina kukwanisa kutaura naVa Mac Maharaj vanove mutauriri waVa Zuma.

XS
SM
MD
LG