Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Youdza America Kuda Kwayo Kusunga VaPalmer


.
.

Gurukota rinowona nezvemvura nezvakatikomberedza, Amai Oppah Muchinguri Kashiri, vanoti hurumende iri kuda kuti chizvarwa cheku America Va Walter James Palmer, avo vakauraya shumba yaizivikanwa zvikuru yainzi Cecil vakumbirwe kuhurumende ye America kuti vazotongwa nenyaya yekuurayiwa zvisiri pamutemo kweshumba iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura nevatori venhau mu Harare, Amai Muchinguri Kashiri vati hurumende yatotatnga kufambisa mapepa ekuti Va Palmer, avo vanogara ku Minnesota kuAmerica, vauyiswe ku Zimbabwe kuti vazomiswa pamberi pedare nenyaya yekuurayiwa zvisiri pamutemo kwakaitwa shumba iyi.

Amai Muchinguri Kashiri vati kushandiswa kwakaitwa uta nemuseve mukubaiwa kwakaitwa Cecil zvakazokonzeresa kuti shumba iyi izopedziswa nepfuti kunotyora mitemo yekuvhimwa kwemhuka munyika.

Vaenderera mberi vachipomera VaPalmer mhosva yekuronga kusvibisa chimiro chenyika kubudukidza nekuurayiwa kwakaita shumba iyi.

Hukama pakati pe Zimbabwe ne America hwagara husina kumira zvakanaka pamusana pekutyorwa kwekodzero kunonzi kunoitwa nehurumende ye Zimbabwe izvo zvinorambwa nehurumende yaVa Robert Mugabe.

Hatina kukwanisa kutaura nemumiriri we America muno, Va Bruce Wharton, kuti tinzwe divi rehurumende yavo panyaya iyi. Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu, Va Alec Muchadehama, vati havawone hurumende yaVa Barack Obama ichibvuma kuti chizvarwa chayo chiunzwe kuzotongwa mu Zimbabwe.

Panyaya yekuurayiwa kweshumba iyi, pane zvizvarwa zve Zimbabwe, Va Theo Bronchorst naVa Trymore Honest Ndlovu, vakabhadhariswa mari yechibatiso nedare ramejasiriti ku Victoria Falls panyaya yekuurayiwa kunonzi kwakaitwa shumba iyi zvisiri pamutemo.

Vaviri ava vakatarisirwa kudzoka mudare musi wa 5 Nyamavhuvhu apo pachatanga kutongwa nyaya yavo. Vakabatwa nemhosva, vaviri ava vanogona kugara mujeri kwenguva isingadarike makore gumi nemashanu.

XS
SM
MD
LG