Accessibility links

Breaking News

America Inoti Haisi Kufara neKutyorwa kweKodzero dzeVanhu muZimbabwe


Deputy assistant secretary for African Affairs, Dr. Shannon Smith, and Steven Feldstein, assistant secretary in the Bureau of Democracy, Human Rights and Labor, in Harare. (Photo: Irwin Chifera)
Deputy assistant secretary for African Affairs, Dr. Shannon Smith, and Steven Feldstein, assistant secretary in the Bureau of Democracy, Human Rights and Labor, in Harare. (Photo: Irwin Chifera)

Vamwe vakuru vakuru vaviri vehurumende yeAmerica vari kushanya muZimbabwe vanoti nyika yavo inoda kubatsira Zimbabwe kuitira kuti isimukire munyaya dzehupfumi pamwe nekuti vanhu vayo vagare zvakanaka.

Asi vakuru ava vanoti America haisi kufara nekutyorwa kwekodzeropamwe nekumbunyikidzwa kuri kuita vanhu nehurumende yeZimbabwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vavirir ava, Doctor Shannon Smith vanove mutevdzeri wemunyori anoona nezvenyaya dzemuAfrica mubazi rezvekudyidzana kweAmerica nedzimwe nyika, pamwe naVaSteven Feldstein, vanove mutevedzeri wemunyori anoona zvekodzero dzevanhu pamwe nevashandi mubazi reBureau of Democracy, vanoti zvinhu hazvina mumira zvakanaka muZimbabwe umo muri kutyorwa kodzero dzevanhu.

Vapa kupambwa kwaVaItai Dzamara semuenzaniso vakati izvi hazvina kunaka zvachose.

Vachitaura nevatori venhau mushure memusangano wavaita nevemabhizimisi, VaFeldstein vati America inoshushikana kuti vanhuwo zvavo, vemasangano akazvimirira, vemapato ezvematongerwo enyika anopikisa pamwe nevatapi venhau vari kumbunyikidzwa pamwe nekutadziswa kuita basa ravo vasingavhiringidzwe.

Vakurudzira hurumende yeZimbabwe kuti iite zvese zvainokwanisa kutsvaga VaDzamara pamwe nekuzivisa veruzhinji zvainenge yawana sezvakaturwa nedare repamusoro.

Doctor Smith vati vakaita musangano negurukota rezvemari neChipiri, VaPatrick Chinamasa, chinangwa chavo chiri chekuda kubatsira Zimbabwe kuti ikwezve vemazhimisi vekunze kuitira kuti hupfumi hwenyika hubudirire.

Vati mumusangano wavo vakatarisa nzira dzakasiyana siyana dzingaite kuti Zimbabwe irerutse mafambisirwo emabhizimisi zvisina zvipingaidzo mukati.

VaFeldstein vati hurongwa hwavakaudza VaChinamasa kana hurumende ikahuita, hunoratidza kuti hurumende yakazvipira sei kutevedza mutemo pamwe nekuchengetedza vemabhizimisi.

Vati kusaremekedza mitemo muZimbabwe kuri kuitawo kuti vemabhizimisi vasauye.

Vaviri ava vati kunyange hazvo vari kukurudzira vemabhizimisi kuti vauye kuZimbabwe kuzotanga mabhizimisi, vanhu ava vanotanga vatarisa kuti nyika ine mitemo inochengetedza mabhizimisi avo here kana kuti kwete.

Pari zvino bhanga repasi rese, World Bank,rinoti Zimbabwe ndeimwe nyika pasi rese dzisina kunaka kuita bhizimisi.

Kunyange hazvo shamwari dzeAmerica dzakaita seEuropean Union dzakabvisa zvirango zvehupfumi zvange zvakatemerwa Zimbabwe, Doctor Smith vati havana kuuya muZimbabwe kuzosandura mutemo wekudyidzana kweAmerica neZimbabwe, uye vati nyika yavo ichashanda nevanhu vemuZimbabwe kuti ibudirire.

America ndeimwe yenyika dzakatemera zvirangano zvehupfumi kumutungamiriri weZimbabwe, VaRobert Mugabe, nevamwe vavo uye inoti zvirango izvi zvicharamba zviripo kudzamara VaMugabe nehurumende vatanga kuremekedza kodzero dzevanhu nekuita sarudzo dzakachena.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti kushanya kwevaviri ava kunoratidza kuti America inoda kugadzirisa hushamwari hwayo neZimbabwe asi hapana chinosanduka munguva pfupi inotevera sezvo Zimbabwe ichiramba ichityora kodzero dzevanhu.

Mukuru weMedia Center, VaEnerst Mudzengi, vanoti kushanya kwevaviri ava kuchaita kuti vaone kuti hapana chati chanyanyosanduka muZimbabwe.

Vaviri ava vari kushanya muZimbabwe kwemazuva mana apo vari kuita misangano namakurukota ehurmende, vemasangano anoshanda akazvimirira pamwe nevemapato ezvematongerwo enyika vachiongorora mamiriro ezvinhu munyaya dzezvekodzero dzevanhu nedzimwe dzakasiyana siyana

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi. Asi munyori mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaJoey Bimha, vakaudza VOA kuti Zimbabwe inoda chose kudyidzana neAmerica.

XS
SM
MD
LG