Accessibility links

Breaking News

Vashandi Vogumburwa neMashoko eHurumende


ZCTU
ZCTU

Hurumende inoti vashandi vachazenge vasingawedzerwe mari dzemihoro kunyange hazvo masangano anomirira vashandi vehurumende achiti mari dzinotambirwa nevashandi dzishoma zvikuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mugwaro raburitswa nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, rehwaro hwekushandiswa kwemari yenyika, kana kuti monetary policy statement, gavhuna webhanga iri, Va John Mangudya, vati kusamira zvakanaka kwakaita hupfumi hwenyika hakukodzeri kuti vashandi vawedzerwe mari yavanotambira.

VaMangudya vati chinodikanwa kudzikisa mitengo yezvinhu kuitira kuti pave nekukwikwidzana mukutengeserana zvavati ndizvo zvinoita kuti hupfumi hweyika hukure.

Va Mangudya vati kuwedzera vashandi mari dzavanotambira pari zvino pasina kusimbaradzwa kuri kuitwa hupfumi hwenyika kunokonzera kuti nyika igwadame.

Zvichakadai, sangano rinomirara vashandi munyika re Zimbabwe Congress of Trade Unions, kana kuti ZCTU, rasvora danho ratorwa naVa Mangudya iri.

Munyori mukuru mu ZCTU, Va Japhet Moyo, vati hurumende haifanire kungomhanyira kuita zvinhu isati yanyatsoongorora kuti zvinhu zvakambomira sei munyika.

Va Moyo vati vashandi vachatora matanho akawanda anosanganisira kutaurirana nehurumende kumusangano unenge uri pakati pehurumende, vashandi, nevashandirwi unodaidzwa kuti Tripartite Negotiating Forum.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rinowona nezvevashandi, Amai Prisca Mupfumira, kuti tinzwe kuti musangano we TNF uyu uchaitwa rinhi.

Mumashoko avo Va Mangudya vatiwo vari kutarisa kuti hupfumi hwenyika huchakura nezvikamu zvitatu nezvidimu zviviri kubva muzana kana 3.2 percent gore rino kubudikidza nenyaya dzekutengeswa kwezvicherwa, kugadzirwa pamwe nekutakurwa kwezvinhu.

Va Mangudya vatiwo bhanga ravo richatora matanho ekusimbaradza nyaya yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviuye kuzosima mari yazvo munyika zvichishandisa kambani iri pasi pebhanga iri ye Homelink.

XS
SM
MD
LG