Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inoti Kwete kuChirongwa cheNational Youth Service


MDC-T
MDC-T

Apo veruzhinji munyika vari kuzeya zviri kuitika munyaya dzezvematongerwo enyika mushure mekongiresi yeZanu PF, vechidiki vebato reMDC-T vanoti vanoshora zvikuru chimwe chezvisungo zvakabuda pamusangano uyu chekuti chirongwa cheNational Youth Service chidzorwe munyika.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura neStudio 7 muGweru mutauriri weboka revechidiki vebato reMDC-T, VaBrian Dube, vanoti bato ravo rinoshora uye rinopokana zvikuru nekurudziro yebato reZanu PF rekuti chirongwa cheNational Youth Service chidzoserwe munyika. Chirongwa ichi chinodzidzisa vechidiki vanenge vapedza chikoro zvidzidzo zvakasiyana-siyana kusanganisira zvekushanda nemaoko.

Izvi zvakataurwa nemunyori wevechidiki mubato reZanu, VaAbsolom Sikhosana, avo vakati vechidiki vebato iri vanoda kuti chirongwa cheNational Youth Service chidzorwe nekukasika, izvo zvakazoita kuti chizoitwa chimwe chezvisungo zvakabuda.

Asi VaDube vanoti chinhu chinoshamisa kuti bato reZanu PF rinoda kukoshesa chirongwa ichi nezvimwe izvo vanoti hazvibatsire kuti vechidiki vawane mari yedzidzo kana kuti vawane mabasa. Vanotiwo izvi hazviburitse nyika mumatambudziko ayakatarisana nawo.

Asi mudzidzisi wezvebudiriro paZimbabwe Open University vachitaura semuongorori wezvematongerwo enyika akazvimirira ega, Va Didymus Dewa, vanoti havana chavanoona chakaipa pakuti chirongwa cheNational Youth Service chidzorwe asi vanoti chirongwa ichi chinofanirwa kudzidzisa vechidiki zvinhu zvine chekuita nebato rimwe chete rezvematongerwo enyika.

VaDube vanoti vanoshorawo nyaya yakakurudzirwawo pakongiresi apa yekuti nhengo dzebato reZanu PF dzive idzo dzinopiwa mukana wekuwana mabasa mumakambani ehurumende.

Vanoti nyaya yekuti vanhu vanopiwa mabasa nekuda kwekuti vabuda mumba maani ndiyo yauraya makambani ehurumende akawanda vakatiwo vanhu vanofanirwa kupiwa mabasa nekuda kweruzivo kana hunyanzvi hwavo kwete kuti vanotsigira bato ripi.

Asi VaDewa vanoti sezvo Zanu PF riri bato riri kutonga, rinodawo kuti riitire vatsigiri varo zvakanaka.

VaDube vatorawo mukana uyu kushora nyaya yekugoverwa kwemari yavati ishoma kuhomwe yevechidiki vari kuita zvidzidzo zvepamusoro soro vachiti chirongwa chePresidential Scholarship Scheme chinofanirwa kuvharwa mari inoshandiswa muchirongwa ichi yobatsira kuti vechidiki vawane dzidzo yepamusoro muno munyika.

Chirongwa cheNational Youth Service chakatangwa mugore ra2001 chikazomiswa nekuda kwekushaikwa kwemari.

Chirongwa ichi chaishorwa nevanhu vakawanda sezvo vechidiki vaipinda machiri avo vaideedzwa nezita remadunhurirwa rekuti maGreen Bomber vaionekwa sevanhu vaishandiswa nebato reZanu PF mukutyisidzira avo vaisatsigira bato iri.

XS
SM
MD
LG