Accessibility links

Breaking News

South Africa Yopa Magwaro Vakanga Vanyimwa Zviuru Gumi neZviviri


Sangano re Global Zimbabwe Forum rinoti riri kufara zvikuru nedanho ratorwa nehurumende yemu South Africa rekuwedzera mazuva ekuti vanhu vaende kunotora magwaro anovapa mvumo yekugara nekushanda vari munyika iyi.

Magwaro aya ari kupihwa pasi pechirongwa che Zimbabwe Special Permit (ZSP) kusvika musi wa 31 Ndira gore rinouya.

Hurumende yeSouth Africa inoti vanhu zviuru gumi nezviviri vakambenge vanyimwa magwaro vava kupihwa magwaro aya kunze kwevanhu makumi maviri nevashanu.

Sachigaro wesangano re Global Zimbabwe Forum, Va Solomon Chikowero, vanoti kuwedzerwa kwenguva yaphiwa vanhu kuchabatsira zvikuru sezvo vakambenge vanyimwa pakutanga vava kupihwa magwaro aya mushure meongororo itsva yakaitwa.

"Tiri kufadzwa nedanho iri sezvo takaita misangano nebazi rehurumende rinoita nezvemapepa aya kutanga kwemwedzi uno tichivazivisa kuti zvange zvakakosha kuti vawedzere mazuva ekuti vanhu vapihwe mapepa aya uye kuti vawongorore zvakare avo vavange vanyima kuti vawaniswe mukana mutsva saka," Va Chikowero vaudza Studio7.

Hurukuro NaVa Solomon Chikowero
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG