Accessibility links

Breaking News

Nhumwa dzaVaZuma Dzoudzwa Kupesana Kuri Kuitika


Mapato maviri eMDC ari muhurumende yemubatanidzwa audza nhumwa dzemutungamiri weSouth Africa dziri munyika kuti Zanu-PF iri kuramba kuvandudza zvinhu kunyange hayo iri kurova bembera ichiti inoda kuti sarudzo dziitwe muna kurume gore rinouya.

Nhumwa mbiri dzemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, VaCharles Nqakula naVaMac Maharaj, dzakapinda munyika neChipiri manheru kuzoita misangano yemazuva maviri nemapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa.

VaZuma ndivo mutongi gava akadomwa neSADC kuti vayedze kugadzirisa nyaya yeZimbabwe.

Vachitaura nenhepfenyuro yeZBC gurukota rezvemitemo uye vachimirira Zanu-PF munhaurirano, VaPatrick Chinamasa, vati nhumwa dzaVaZuma dzange dzichida kunzwisisa nyaya yebumbiro remitemo nemashandiro eJOMIC.

VeZanu-PF vataura neStudio7 vasina kuda kudomwa nemazita vati vari kufara negadziriro yesarudzo kunyange mapato eMDC ari kumbonetsa. Hatina kukwanisa kubata VaChinamasa kuti tinzwe divi ravo.

Asi mapato ose eMDC ashora zvikuru bato reZanu-PF munhaurirano idzi vachiti iri kuramba kuzadzikisa zvose zvakataurwa kuSADC kuMaputo nekuLuanda.

Munyori mukuru muMDC-T, VaTendai Biti, vanoti SADC haifanire kubvumidza sarudzo kuitwa pasati pavandudzwa zvinhu munyika.

Munyori mukuru muMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, Amai Priscilla Misihairmabwi Mushonga, vanotiwo vaudza nhumwa dzaVaZuma kuti havasi kufara nezviri kuitwa neZanu-PF zvikuru pakuramba kucherechedza VaNcube semutungamiri webato reMDC diki.

Zvichachakadaro, masangano akazvimirira oga achitungamirwa neCrisis in Zimbabwe Coalition atumirawo nhumwa kuMozambique nekuTanzania. Mozambique ndiyo sachigaro weSADC ukuwo Tanzania iri sachigaro weSADC Troika.

Vanoona nezvekurongwa kwemabasa nekufambiswa kwemashoko kuchamhembe kweAfrica muCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPhillan Zamchiya, vanoti vari kutambirwa zvakanaka nehurumende dzenyika dzavari kushanyira idzi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG