Accessibility links

Breaking News

National Blood Services Yokurudzira Vanhu Kupa Ropa


Sangano reNational Blood Services Zimbabwe rinoti rabatana nemamwe masangano mukuita zvirongwa zvekukurudzira veruzhinji kuti vape ropa.

Sangano iri rinoti riri kukurudzira veruzhinji kuti vapinde muchirongwa ichi kuitira kuti pave neropa rakakwana rekushandisa panguva yezororo yekisimusi negoredzva apo panoitika njodzi dzakawanda.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano iri, Muzvare Esther Masunda, vanoti sangano ravo rinoda ropa rinosvika 9 135 units.

Muzvare Masunda vanoti pari zvino vanotarisira kuti vachawana ropa rinosvika pahuwandu hwavari kuda asi vari kukurudzira kuti veruzhinji vasatye kupa ropa sezvo richizoshandiswa kuvanhu vanenge vatarisana nedambudziko.

Muzvare Masunda vanoti vanhu havafanirwe kuvhundutsirwa nezvimwe zvavanonzwa pamusoro pezvinoitwa panotorwa ropa sezvo zvimwe zvacho zviri zvenhema. Vanoti veruzhinji vanofanirwa kushanyira kunzvimbo dzinotorwa ropa kuitiras kuti vaone kuti zvinofambiswa seyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG