Svondo, Kukadzi 07, 2016 Local time: 19:12

    Radio / Nhau dzeShona

    VaMachisa Vanonyimwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso

    x
    Thomas Chiripasi
    Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu re Zimbabwe Human Rights Association, ZimRights, Va Okay Machisa,  vanyimwa neChitatu mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa yekunyoresa vanhu sevavhoti zvisiri pamutemo.

    Izvi zvinotevera chikumbiro chaVaMachisa chekuti vatongwe vachibva kumba pamhosva yavari kupomerwa.

    Vachisvitsa chikumbiro ichi kudare, gweta raVaMachisa, Amai Beatrice Mtetwa, vati VaMachisa vanofanirwa kupihwa mukana wekutongwa vachibva kumba sezvo vari munhu akazvipira kumapurisa mushure mekunge vanzwa kuti mapurisa aida kutaura navo.

    VaMachisa, avo vapa hufakazi mudare, vati vakaziva kuti vaitsvagwa nemapurisa vari mudare repamusoro musi wa 4 Ndira painzwikwa nyaya yaVa Leo Chamahwinya vanove mushandi we ZimRights avo vari kupomerwa mhosva yakafanana neyave kupomerwa ivo VaMachisa. VaMachisa vati vakazozivisa gweta ravo iro rakazonyorera mapurisa tsamba iwo mapurisa akapindura.

    Muchuchisi wenyaya iyi, VaMichael Reza, vaudza dare kuti Va Machisa havafaniri kupihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso vachiti musungwa anogona kutiza kana akapihwa mukana wekuita izvi sezvo vanga vari kunze kwenyika mazuva akasechwa mahofisi avo.

    Asi Amai Mtetwa vati VaMachisa vakabuda munyika mahofisi aya asati asechwa vachienda ku Poland kwavainopinda musangano wezvekodzero dzevanhu we Warsaw Democracy Conference. Vati mushure memusangano uyu, VaMachisa vakadzoka munyika vakazvigarira zvavo kumba kwavo pasina kana mupurisa akambouya achivatsvaga uye vaizviendera kubasa samazuva ese.

    VaReza vaenderera mberi nekupikisa chikumbiro chaVaMachisa ichi vachiti humbowo hwemagwaro ekunyoresa vanhu kuvhota pamwe nemuchina unodhinda mapepa ekunyoresa kuvhota zvakawanikwa kumahofisi eZimRights pakasechwa mahofisi aya zvinoreva kuti nyaya yehurumende yakasimba zvikuru.

    Asi Amai Mtetwa vati hapana kana chinhu chimwe chete chakawanikwa kumahofisi aya pakasechwa mahofisi aya muna Zvita wegore rapera pamwe nepakasechwa mahofisi aya zvakare neMuvhuro mushure mekunge Va Machisa vazvipira kumapurisa.

    Va Reza vati zvaiitwa naVaMachisa nevamwe vasungwa vana vari mujere vakasungwa maererano nenyaya iyi vaiita izvi nechinangwa chekuda kuzoshoresa sarudzo dzakatarisirwa kuitwa munyika kubudikidza nekunyoresa vanhu uye vamwe vanhu vavanonzi vakanyoresa zvisiri pamutemo vanhu vakazvarwa muna 1894.

    VaReza vati izvi zvanga zvichiitirwa kuti sangano renyika dzepasi rose re United Nations rigobuda nechisungo chekuti hapana ndege inofanirwa kubhururuka mu Zimbabwe kana munhu ari kudiwa naVaMachisa nevamwe vavo vakasungwa asina kudomwa mudare akundwa musarudzo zvavati zvaizokonzera kusagadzikana munyika.

    Asi Amai Mtetwa vati nyaya dzematongerwo enyika dziri kupinzwa pasiripo.

    Nyaya iyi yambomira kunzwikwa kwechinguvana sezvo Amai Mtetwa vapopota kuti VaMachisa havafanirwe kunge vane ngetani dzavanga vakaiswa mumakumbo panga pachinzwikwa nyaya iyi vachiti havakwanisie kuti vaenderere mberi nekumirira musungwa kana ngetani idzi dzisina kubviswa. VaReza vati kuiswa ngetani kwanga kwakaitwa VaMachisa kunotevera kurohwa kwakaitwa umwe mejasitiriti ku Kadoma nemusungwa zvakaita kuti mejasitiriti uyu atyoke ruwoko.

    Mumutongo wavo, mutongi wedare, Va Tendai Mahwe, vati Va Machisa havafaniri kupihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso vachiti vanogona kusamirira kutongwa kana vakaburitswa muhusungwa pakatariswa mhosva yavari kupomerwa. VaMahwe vati nyaya iyi ine chekuita nekuchengetedzeka kwenyika saka nokudaro kubuditsa Va Machisa muhusungwa kunogona kukonzera kusagadzikana nemvongamupopoto munyika.

    VaMahwe vati VaMachisa vadzoke zvakare kudare musi wa 30 Ndira pachaenderera mberi nyaya iyi vachibva kuchitokisi.

    You May Like

    Hurumende Inotara Nzara seDambudziko Rakakurisisa Munyika

    Hurumende yabvuma zvino kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzechikafu, izvo zvaita kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vatare nzara iriko sedambudziko rakaipisisa. Onai zvimwe

    Vhidhiyo VOA60 Africa - S. Africa: 90 miners rescued, three missing after a cave-in at a gold mine

    S. Africa: 90 miners rescued, three missing after a cave-in at a gold mine Onai zvimwe

    Mabhanga Maviri muZimbabwe Anobviswa paZvirango Zvakatemerwa neAmerica

    Hurumende yeAmerica yabvisa mabhanga maviri anoti reAgribank nere International Development Bank of Zimbabwe pazvirango zvakatemerwa makambani nevamwe vari muhurumende yeZanu-PF kusanganisira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe. Onai zvimwe

    Vhidhiyo Live Talk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time) (1830-1900 UTC) (Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Onai zvimwe

    Rooftop Yovaka Muzinda weChizvinozvino Munyaya dzeMitambo

    Mukuru weRooftop Promotions, VaDavies Guzha, vanoti musha mutsva uyu uchasimudzira mitambo, mabhaisikopo kana mafirimu emuno ayo asina kwaari kuratidzwa pari zvino. Onai zvimwe
    Nhau dzeShona

    Nhau dzeShona

    Nhau dzeShona Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 20
    Indaba zesiNdebele

    Indaba zesiNdebele

    Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
    English

    English

    Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe.
    Nhau dzeShona

    Nhau dzeShona

    Nhau dzeShona Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 20
    Live Talk

    Live Talk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes
    Indaba zesiNdebele

    Indaba zesiNdebele

    Ndebele 1800-1830 Monday-Friday

    • Nhau dzeShona
      20 min

      Nhau dzeShona

      Nhau dzeShona Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00...

    • Nhau dzeShona
      20 min

      Nhau dzeShona

      Nhau dzeShona Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00...