Monday, January 26, 2015 Local time: 04:17

Nhau / Africa

Zimbabwe Yocherechedza Zuva reKodzero dzeVanhu Pasi Rose

ZimbabweZimbabwe
x
Zimbabwe
Zimbabwe
Irwin Chifera
Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika dzepasi rose mukucherechedza zuva rekodzero dzevanhu, re International Human Rights Day, hurumende ichiti zvirango zvakatemerwa nyika nenyika dzekumadokero, zviri kuvhiringidza hurongwa hwavo hwezvekodzero dzevanhu.

Mashoko aya ataura nemunyori mubazi rezvemitemo, VaDavid Mangota, pamhemberero dzange dzakarongwa nehurumende yakabatana nemasangano anoshanda akazvimirira.

VaMangota vati hurumende yakaita basa guru mukusimudzira kodzero dzemadzimai nevana asi iri kutambura pane dzimwe kodzero nekuda kwezvirango zvayakatemerwa nedzimwe nyika.

Asi vati Zimbabwe inoda kusimudzira nyaya dzekodzero dzevanhu vakati ndosaka ichizvipira kuti iwongororwe neUnited Nations Human Rights Council pasi pechirongwa cheUniversal Periodic Review, icho chinoitwa mukati memakore mana ega ega.

Vati semuenzaniso wekuti Zimbabwe yakazvipira munyaya dzekusimudzira kodzero dzevanhu, gore rino yakakoka mukuru anoona nezvekodzero dzevanhu muUnited Nations, Amai Navy Pillay, kuti vazoona mamiriro akaita zvinhu munyika panyaya dzekodzeo dzevanhu.

Vatiwo Zimbabwe yapasisa mutemo weZimbabwe Human Rights Act uyo unoita kuti komisheni inoona nezvekodzero dzevanhu yeZimbabwe Human Rights Commission ishande. 

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mukuru wemadzishe munyika, VaFortune Charumbira, vatiwo kunyange hazvo pachifanira kuve nekodzero dzekufamba, kuita misangano nekuita zvimwe, panofanirawo kuve nekodzero dzekuti vanhu vawane hupfumi hwenyika.

Mukuru weUnited Nations muZimbabwe, VaAlain Noudehou, vatiwo zvakakosha kuti nyika dzepasi rese dziremekedze kodzero dzevanhu pamwe nekuvandudza kodzero idzi.

Vati Zimbabwe yakasaina zvibvumirano zvekodzero dzevanhu zvakaita seInternational Covenant on Civil and Political Rights, vachiti kana izvi zvikatevedzwa,  kodzero dzevanhu dzinovandudzwa.

Masangano akazvimirira apinda muchiikitiko ichi anosanganisira Zimbabwe Congress of Trade Unions, Zimbabwe Human Rights Association, Zimbabwe Lawyers for Human Rights nemamwe.

Masangano aya akurudziria hurumende kuti isayane nekatsika kayo kekusunga sunga  vashandi nevanorwira kodzero dzevanhu achiti anovimba kuti hurumende ichashanda navo pakusimudzira kodzero dzevanhu pamwe nekubvisa mitemo inodzvinyirira vanhu.

Aka ndekekutanga mukati menguva refu kuti hurumende icherechedze zuva iri pamwe nemasangano akazvimriria uye zvinotevera chibvumirano chekushanda pamwe chakaitwa nezvikwata zviri izvi pasi pemusangano weUniversal Periodic Review uyo wakaitwa gore rapfuura. Kubvira panguva iyi, zvikwata izvi zviri kushanda pamwe mukugadzirisa nyaya dzekodzero dzevanhu munyika.

Zuva rekodzero dzevanhu rinocherechedzwa pasi rose musi wa 10 Zvita, uye rakatanga kucherechedzwa muna 1948.

Zvichakadaro, mapurisa emuBulawayo ambochengetedza vakuru vesangano revashandi reZCTU vaviri vanga vachitungamira hurongwa hwekuratidzira muguta iri vachicherechedza zuva iri.

Vaviri ava ndiVa Percy Mcijo, nhengo yeZCTU kuMatabeleland, naVa Ambrose Sibindi,  mutevedzeri wasachigaro wesangano iri kuMatabeleland kwakare.

Nhengo dzeZCTU dzakawanda dzinondzi dzapinda mumigwagwa yemuBulawayo dzichiratidzipa pamusana pekutyorwa kwekodzero dzevanhu uye dzevashandi. 

VaMcijo vaudza Studio7 kuti vambochengetedzwa kwenguva pfupi vakazoregedzwa mushure mekunge mapurisa aona kuti vanga vaine mvumo yekuratidzira.

You May Like

Vashandi Vanga Vasara Vanowana Mabhonasi Avo

Hurumende yazokwanisa kupedza kupa vashandi vayo vose mari dzemabhonasi zvichitevera kutambira kwaitwa mari nevashandi vehurumende vose vanga vasara. Onai zvimwe

Veruzhinji Vomirira Kuona Kuti Zvii Zvichaitika muZanu PF

Vachitaura nevatsigiri vavo panhandare yeHarare Internatinal Airport vachangosvika, VaMugabe vakashoropodza vaimbova munyori wemabasa muZanu PF, Va Didymus Mutasa, vachiti idhongi rakarasika rinokuma riri rega musango. Onai zvimwe

Magweta Okwirira Hurumende Matare paGakava reManzou

Magweta ari kumiririra varimi vepapurazi reManzou kuMazowe anoti aendesa mamwe mapazi ehurumende kumatare edzimhosva achida kuti matare amanikidze mapazi aya kubvisa mbizi zana dzakaiswa papurazi iri. Onai zvimwe

Kuoma Kwaita Hupenyu Korwadza Vashandi

Sangano rinomirira zvido zvevashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti zvinhu zviri kuramba zvichiipira vashandi sezvo makambani akawanda ari kuramba achivhara uye mamwe ari kutadza kunyatsoshanda nemazvo. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe
Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media

LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday

  • Nhau dzeShona
    20 min

    Nhau dzeShona

    Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time:...

  • Nhau dzeShona
    20 min

    Nhau dzeShona

    Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time:...

Facebook