Accessibility links

Breaking News

Gweta raVaDzamara Roronga Kuripisa Hurumende


Itai Dzamara
Itai Dzamara

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, iro rakatyorwa ruoko neChina nemapurisa apo rakaenda kunobatsira mutori wenhau, Itai Dzamara, uyo akarohwawo zvakaipisisa, rinoti riri kuronga kuripwa nehurumende nekuti zvakaitwa nemapurisa hazvibvumirwe nemitemo yenyika.

Vaviri ava, Va Kennedy Masiye naDzamara, vakaendeswa kuchipatara che Avenues Clinic mushure mekurohwa nemapurisa pasina mhosva yavapara.

Vaviri ava vacharara zvekare muchipatara ku Avenues Clinic vachirapwa maronda avakakuvadzwa nemapurisa. Vana chiremba vavo vanoti vanoda kuvaongorora zvakare vasati vavaburitsa.

Dzamara akarohwa achiratidzira mu Africa Unity Square kusafarira kwake hutongi hwemutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe. Dzamara ari kukurudzira VaMugabe kuti vasiye basa sezvo vari kutadza kutonga zvinogutsa veruzhinji munyika.

Ukuwo VaMasiye vakazorohwawo apo vakaenda kukamba yepa Harare Central vachida kunobatsira Dzamara segweta rake.

Asi pavakaudza mapurisa kuti vakanga vafambira nyaya yaDzamara, vanoti vakabva vatanga kurohwa vakatyoka ruoko rwekurudyi muchiitiko ichi.

Apo vairohwa, VaMasiye vanoti vakafenda kamwe chete.

Dzamara, uyo akafenda kaviri apo airohwa, anoti ongororo yakaitwa navana chiremba yaratidza kuti haana kukuvarira mukati sezvanga zvichityirwa navana chiremba vari kumurapa. Asi anoti achiri kurwadziwa zvikuru muviri wose.

VaMasiye vanoti vari kuronga kupinza kurohwa kwavo mumatare vachida kuripwa nehurumende sezvo vakatyorerwa kodzero dzavo nemapurisa apo vaiita basa ravo.

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo dzinoti mapurisa emuZimbabwe anofanirwa kudzidziswa zvakadzama nyaya dzekodzero kuitira kuti varemekedze kodzero dzavanhu.

Vanoti hazvina musoro wese kuti mapurisa anorova munhu ari kuratidzira agara pasi asina munhu waari kuvhiringira hupenyu hwake.

Nyanzvi idzi dzinoshorawo kurohwa kwaVa Masiye avo vaida kubatsira munhu wavanomirira segweta.

Mapurisa emuZimbabwe ane nhoroondo yakaipa munyaya dzekodzero dzavanhu izvo zvakapa kuti Denmark iudze hurumende neChina kuti kana ichida kupihwa rubatsiro nenyika iyi, inofanirwa kutanga yakoshesha kodzero dzevanhu.

VaMugabe munhu anozivikanwa nekuzvikudza vachiti vane ma degree emhirizhonga.

Hurukuro naVaKennedy Masiye
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG