Accessibility links

Breaking News

VaReynolds Vomiswa Mudare muZimbabwe


Vaimbova nhengo yedare reCongress muAmerica vachimirira bato remaDemocrats, Va Melvin Jay Reynolds, vamiswa pamberi pedare muHarare neChitatu vachipomerwa mhosva yekuva nemifananidzo yevanhu vari kuita zvepabonde pamwe nekugarisa munyika zvisiri pamutemo.

VaReynolds vamiswa pamberi pemamajistiriti maviri, VaTendai Mahwe naVaVakayi Douglas Chikwekwe. Vatanga kunzwa nyaya iyi, VaMahwe, vanonzi vazosiya kunzwa nyaya iyi sezvo vange vaine imwe nyaya yavanga vachida kutonga.

Gweta raVaReynolds, VaArthur Gurira, vaudza Studio 7 kuti vakumbira dare rikabvuma kuti VaReynolds vaonekwe navana chiremba sezvo vaine chirwere che High Blood Pressure.

VaReynolds vachapinda zvakare mudare neChina apo vachatongwa nenyaya yekugara munyika zvisiri pamutemo.

Panyaya yekuwanikwa vaine mifananidzo yevanhu vari kuita zvepabonde, VaReynolds vati havana mhosva yavakapara.

VaReynolds, avo vane makore makumi matanhatu nemaviri ekuberekwa, vakasungwa neMuvhuro paBronte Hotel muHarare.

Muchuchusi wehurumende, VaMichael Reza, vaudza dare kuti VaReynolds vainge vaine mifananidzo yezvepabonde inotyora mutemo weZimbabwe weCensorship Act uye vaingewo vagarisa munyika zvisiri pamutemo.

VaReza vanoti VaReynolds vaifanira kunge vakabuda munyika musi wa 10 Zvita, mushure mekunge vapinda munyika musi waMbudzi 13 gore rapera vachishandisa Plumtree Boarder Post.

Vhiza ravo rinoti raipera musi wa Mbudzi 27, asi vakakumbira kuti vagare kwenguva refu kusvika musi wa Zvita 10.

Vanonzi havana kuzokumbira kuti mazuva avo awedzerwe.

Muzinda weAmerica muZimbabwe watizve muzuva repiri hauna chekutaura nezvenyaya iyi.

Asi VaGurira vanoti neChina vachayedza kukumbira dare kuti ribvumidze VaReynolds kubhadhara mari yechibatiso.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG