Accessibility links

Breaking News

COPAC Yotsvaga Rutsigiro rweMasangano Akazvimirira Referendamu Isati Yaitwa


COPAC
COPAC
Komiti yeparamende yakatungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, yeCOPAC, yakumbira masangano anoshanda akazvimirira kuti aite chisungo chekushanda nayo mukushambadza bumbiro idzva pamwe nekukurudzira veruzhinji kuti vatsigire bumbiro iri pareferendamu iri kutarisirwa kuitwa mwedzi unouya.

Vachitaura mushure memusangano uyu, mumwe wemasachigaro eCOPAC, VaPual Mangwana veZanu PF, vati vachashanda chete nemasangano anemaonero seakafanana neeCOPAC.

VaMangwana vatiwo masangano aya anotarisirwa kubatsirawo COPAC kudhinda mamwe magwaro nekuti akadhindiswa neCOPAC anosvika zviuru makumi mapfumbamwe ari mashoma.

Mumwe wemasachigaro eCOPAC, VaDouglas Mwonzora veMDC-T, vatiwo COPAC iri kutaura nemapurisa kuitira kuti misangano yekushambadza bumbiro isavhiringidzwe.

Kunyange hazvo VaMwonzora naVaMangwana vati masangano ese apinda mumusangano wavo aratidza chido chekushanda navo, vamwe vapinda mumusangano uyo vanoti harisi basa remasangano akazvimirira rekukurudzira veruzhinji kuti vatsigire bumbiro iri asi kuti basa rawo nderekudzidzisa veruzhinji kuti vagokwanisa kuvhota vaine ruzivo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaJoy Mabhenge, veInstitute for a Democractic Alternative for Zimbabwe, vanoti masangano anofanirwa kubatsira veruzhinji kuti vanzwisise zvinoreva gwaro rebumbiro idzva, kwete kuvaudza zvavanofanirwa kuita pareferendamu.

Vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa musangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaNixon Nyikadzino, vanoti zvinonetsa kuti vabvume kushanda neCOPAC vasati vanzwa pfungwa dzenhengo dzesangano ravo.

COPAC inoti basa rekushambadza bumbiro idzva richatanga neMuvhuro. Zimbabwe inotarisirwa kuita referendamu musi wa 16 Kurume.

Dare repamusoro rinotarisirwa kupa mutongo waro neChishanu panyaya yakakwidzwa nesangano reNational constitutional Assembly richitsutsumwa kuti nguva yakapihwa vanhu nehurumende kuti vazeye zviri mubumbiro idzva, ishoma.
XS
SM
MD
LG